Accessibility links

Breaking News

VaMasisi Voronga Hurukuro naVaMnangagwa neNyaya yeZvizvarwa zveZimbabwe Zviri "Kuba" Mombe muNyika Yavo


VaEmmerson Mnangagwa naVaMokgweetsi Masisi

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vakazivisa neMuvhuro mangwanani kuti vari kutarisira kuzeya nyaya yekubiwa kwemombe nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe munharaunda yeBobonong, iyo iri kumabvazuva enyika iyi, munguva pfupi iri kutevera nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa senzira yekupedza hukororo uhu.

Vachitaura pamusangano vavaita nemadzishe emisha yeSemolale neMabolwe, iyo iri pedyo nemuganho wenyika iyi neZimbabwe, VaMasisi vati mombe, mbudzi, madhongi nezvimwe zvipfuyo ndizvo zvakabata hupenyu hwezvizvarwa zveBotswana.

Vati vapfuyi vazhinji vemombe munharaunda iyi vave kunonga svosve nemuromo nokuda kwekuti mombe dzavo dzapera kubiwa nevanofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe.

VaMasisi vati hurumende yavo ichataura nemumiriri weZimbabwe VaBatiraishe Mukonoweshuro kuti vanoongorora mamiriro ezvinhu kunharaunda yeBobonong hurukuro naVaMnangagwa dzisati dzatanga.

Vaenderera mberi vachiti Zimbabwe neBotswana ishamwari dzemandorokwati dzakafanira kugara dzichigokedzana moto kwete kubirana sezviri kuitika.

Mumiriri weBobonong mudare reparamende, VaTaolo Lucas vaudza musangano uyu kuti vapfuyi vemombe vvave nemakore makumi mana vachibirwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi VaMukonoweshuro sezvo vange vasingabatika parunhare. Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe neBotswana dzine hukama hwakasimba mukurwisa nyaya dzevanoba mune imwe nyika. Asi vati nyaya dzakadai dzinozeyiwa pamisangano yavanoita yekudzivirira nyika dzavo vakabatana.

Mukuru wemapurisa eBotswana Police Service, VaKeabetswe Makgope vazivisa musangano uyu kuti vakabvumirana muna 2019 pamusangano vavakaita nemukuru weZimbabwe Republic Police, VaGodwin Matanga kuti ZRP iwedzere mapurisa pamuganhu wenyika mbiri idzi.

Bazi rinoona nezve kudzivirirwa kweBotswana rinoti mombe mazana manomwe ne makumi mana nenhanhatu (746) dzakabiwa muna2019 dzimwe mazana manomwe negumi nepfumbamwe (719) dzakatsakatika gore rapera.

Nokuda kwemuganho usina chakaukomberedza, bazi iri rinotiwo mombe mazana mana nemakumi maviri nenomwe (427) dzakabaiwa kubva muna Ndira wegore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG