Accessibility links

Breaking News

Machechi Otsvaga Ruyamuro kuSADC Kuitira Kuti VaMugabe Vaite Zvinodiwa Musarudzo


Vakuru vemachechi mu Zimbabwe vanonzi vabatana kuti vakumbire vakuru venyika dzemuSADC kuti vataure nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasaite sarudzo munyika gore rino pasati pavandudzwa mitemo yesarudzo.

Vakuru vedzisvondo ava, avo vakabatana pasi pe Zimbabwe Heads of Christian Denominations, vari kutarisirwa kupa gwaro ravo kumakurukota enyika dzemuSADC anoona nezvekudzvivirirwa kwenyika uye vakuru venyika idzi.

Vakuru vemachechi ava vari kudazve kuti nyaya dzekutorwa kwenhau munyika dzivandudzwe kuitira kuti vatore venhau vashande nemazvo munguva dzesarudzo.

Imwe nhengo ye Christian Alliance of Zimbabwe, Va Jonah Gokova, vanoti zviri kuitwa nevakuru vemachechi chinhu chakanaka zvikuru icho vati chichaita kuti vanoita zvematongerwe enyika vabatane mukugadzirisa zvinhu zvinodiwa kuti nyika ifambire mberi.

XS
SM
MD
LG