Accessibility links

Breaking News

Vakuru veKambani yeFSG Vosungiswa neKuzvidza Dare reParamende neNyaya ye"Command Agriculture"


Paramende yeZimbabwe nhasi yanyora magwaro ekusungisa kambani mukuru wekambani yeFert, Seed, Grain (FSG) nemhosva yekuzvidza dare.

Sachigaro vekomiti iyi, VaTendai Biti veMDC, vati zviri pachena kuti vakuru vekambani iyi vari kuzvidza komiti yavo saka vaita chisungo chekuti mukuru wekambani iyi, VaSteve Morland, vasungwe nenyaya yekuzvidza dare.

Vakuru vekambani iyi vatadza kuuya kuzotsangangura kuti sei yakabhadharwa mamiriyoni mazana mana emadhora ($400 million) nehurumende muna 2017 na2018 zviri kunze kwebhajeti pamwe nekuti mari iyi yakashandiswei.

FSG ndeimwe yemakambani ari kuda kubvunzurudzwa nekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, yePublic Accounts Committee, iyo iri kuongororo kunofungidzirwa kuti kusashandiswa zvakanaka kwemari yehurumende inodarika mabhiriyoni mashanu muna 2017 na 2018.

Kambani iyi yave nenguva ichitadza kumira pamberi pekomiti iyi isingape zvikonzero uye nhasi chaiye yatadza kuuya zvagumbira nhengo dzeparamende dziri mukomiti yezvekufambiswa kwemari.

VaBiti vanoti zvino shamisa kuti kambani yeFSG inoramba kuuya kukomiti yavo asi ichienda kune mamwe makaomiti eparamende. Mwedzi uno VaMorland vakaenda kunomira pamberi pekomiti yezvekurima ina VaJustice Wadyajena vanova nhengo yeZanu-PF sasachigaro.

Pamberi pekomiti iyi, VaMorland vatisina kukwanisa kubata nhasi vakaramba kuti vakaita zvehuori nemari iyi.

Komiti yaVaBiti yashorawo kuita kwevamwe vakuru vakuru mubazi rezvamari avo vasinawo kuuya kuzopa humbowo kukomiti iyi pamusoro pemashandisirwo aiitwa mari zviri kunze kwemutemo nehurumende muna 2017 na2018.

VaBiti vayambira vakuru ava, vano sanganisira mukuru anoona nezvamabhajeti mubazi rezvemari, VaZvinecheimwe Churu, kuti vasara nemukana mumwe chete uye kana vakatadza kuuya musi wa15 Mbudzi vachasungwawo.

VaChuru nevamwe vavo vatadza kuenda kuparamende vachiti vange vari kumusangano wekubasa kwavo kuDarwandale.

Asi VaBiti vanoti basa reparamende rakakosha kudarika rimwe basa ripi zvaro.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa chiri kuitwa neparamende sezvo iri kuita basa rayo rekuongorora kuti mari yevanhu yakashandiswa sei.

Vatiwo hazvifaniri kunetsa bazi rezvemari kutsanangura kuti mari yakashandiswa sei vachiti kana poita kuda kunzvenga nzvenga zvinoreva kuti pane zvinenge zvisina kufambiswa zvakanaka.

Paramende iri kuita ongororo mushure mekunge hofisi inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende yaAuditor-General vaburitsa mugwaro rayo kuti mari dzainge dzisina kushandiswa zvakanaka nebazi rezvekurima muna 2017 na2018.

Mari yacho zhinji yakashandiswa pazvirongwa zvePresidential Input Scheme neCommand Agriculture. Gurukota rinoona nezvekurima VaPerrance Shiri vakazivisa kuti gore rino vari kuvandudza mapirwo emari iyi vachiti vanhu vanenge voenda kunopihwa mari dzacho sezvikwereti kumabhanga.

Nyaya yekusafambisa zvakanaka mari idzi kunziwo nemuzinda weAmerica muZimbabwe mumwe munongedzo wehuori hunoitika munyika huchipa kuti itadze kufambira mberi asi iyo yozoti zvirango zvainoti yakatemerwa.

Asi hurumende inoti chirongwa cheCommand Agriculture chakakosha kuvandudza nyaya dzezvehupfumi kuburikidza nekurima.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG