Accessibility links

Breaking News

VaKindness Paradza Voshorwa neKuda Kuti Cottco Ipe Basa Vanhu Vasina Dzidzo Yakakwana


Honorable MP Kindness Paradza

Mumiriri weMakonde muparamende uye vachangotoresewa mhiko kuve mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti nhengo dzebato reZanu-PF dzinofanira kuona kuti makambani ose anoshandira mudunhu mavo apinza basa vana vemunharaunda zvisinei nemagwaro echikoro.

Izvi zviri kushorwa zvakanyanya nevakawanda sezvo zvichinzi zvinounza huori uye kuti makambani asashande sezvinotarisirwa zvichityora bumbiro remitemo.

VaParadza vanoti vanomira nemashoko avo avakataura pamusangano webato ravo reZanu-PF kuMuvhami kuMakonde neMugovera ekuti kambani yeCotton Company of Zimbabwe (COTTCO) inofanirwa kupinza vana vekuMakonde mabasa kunyange vasina magwaro echikoro sezvinodiwa nekambani iyi.

Kambani yeCottco inopa mabasa kuvanhu vane zvidzidzo zvishanu kana kuti 5’ Olevels.

VaParadza vanoti kunyora kuti kwapinda masaga edonje mangani nekuaverenga hazvidi dzidzo iri kutarisirwa nekambani iyi.

VaParadza vanonzi vakaudzawo nhengo dzebato ravo kuti dziongorore kuti vanhu vose vanopinzwa basa vanofanirwa kunge vachizivikanwa munharaunda.

Vakatiwo vana havana kubuda zvakanaka muzvidzidzo zvavo mudunhu reMashonalamnd West nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru wekambani yeCottco VaPious Manamike vanoti idonzvo rekambani yavo kupinza basa vanhu vanogara munzvimbo yavanenge vachiita basa kwete kutora vanhu vanobva kune rimwe dunhu.

VaManamike vanoti vanotora vanhu vemudunhu zvisinei nekuti munhu anotsigira bato rezvematongerwo enyika ripi.

Panyaya yekuti vari kumanikidzwa kutora vasina zvidzidzo zvakakwana VaMamamike vati vachaongorora nyaya yacho.

Mumwe wechidiki kuMakonde anoda kuzivikanwa nezita rekuti Changara anoti hapana chakaipa kuti vana vemuMakonde vapinde basa munzvimbo yavo chero pasingashandiswe nyaya yekuti munhu anotsigira bato ripi. VaChangara vanoti zvikoro zvekuMakonde zvakasaririra nekudaro vana vashoma vanobuda ne5’ Olevels.

Asi sachigaro weboka guru rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Union kana kuti ZCTU VaPeter Mutasa vanoti mutemo wenyika haubvumire kuti paitwe rusarura munyaya dzemabasa.

VaMutasa vanoti munhu anobvumirwa kushanda kuMakonde chero asingabve kunzvimbo iyoyo chero ayine zvinenge zvichidikanwa.

Cottco inoti ichange ichivhura nzvimbo dzekutenga donje mumatunhu madiki akawanda munyika nekudaro vachapinza basa vana mabharani, vanotakura nekuchengeta mabhero kwenguva pfupi.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG