WASHINGTON —
Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vanoti mapurisa haana kumboyedza kurambidza muimbi Winky D kuparura dambarefu rake Njema kuHarare International Conference Centre nhasi.
VaKazembe vanoti ivo vanototsigirawo Winky D uye vane madambarefu ake akawanda asi pane vamwe vari kureva nhema vachiti mapurisa ainge ati dambarefu rake risapurirwa.
Maneja Winky D VaJonathan “Elder” Banda vaudzawo Studio 7 kuti vange vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo.
Nezuro painge pamboobuda runyerekupe pamadandemutande akaita seTwitter kuti mapurisa ainge arambidza kuparurwa kwedambarefu iri achiti riri kushora hurumende nekupesvedzera vanhu kuipandukira.
Facebook Forum