Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Kisimusi Yange Yakavaomera


Kiri
Kiri

Vakawanda muHarare vanoti kisimusi yegore rino yange isina mufaro wakanyanya nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika.

Asi kunyangwe zvakaoma, vamwe vanoti mufaro wavo uri mukurangarira kuzvarwa kwaJesu Kristu.

Vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa kana kushomeka kwezvinhu zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari, magetsi, mvura yekunwa, mabasa nezvimwe.

Studio 7 yatenderera mumigwagwa yeHarare ichinzwa kubva kuvanhu nezvezuva rekisimusi. Amai Chenai Shiri vekuDzivarasekwa 2 vanoti kisimusi yegore rino yange yakaoma kudarika mamwe makore nekuti vange vasina kana huku zvayo ukuwo vari murima sezvo kusina magetsi.

Vanoti pfungwa dzavo dzatove mugore ra2020 kufunga kuti vachawanepi mari yekubhadhara kuchikoro chevana nokuti yakakwidzwa zvakanyanyisa.

Mashoko aya atsinhirwa naBaba Shepherd Savanhu vekuTynwald North

Amai Charity Mubaiwa vekuWestgate vaudza Studio 7 kuti vaswera vakarara nokuti vakashanda zvakanyanyisa gore rino zvokuti nyama dzomuviri wavo dziri kurwadza.

Mukomana wechidiki Tinotenda Mhundwa anoti akazvarwa musi wekisimusi saka atsvaga huku nenyama yokuti apembere bavhadhe rake aine shamwari yake yepamoyo Tinashe Kadende.

Amai Nyarai Chikwiri Chabika vanobva kuBuhera vanoti vachatora huku pane dzavanotengesa kuti vabikire mhuri yavo nhasi kupembera kisimusi.

Studio 7 yawanawo mukana wokutaura naMufundisi Sam Dube vekuTabernacle of FaithChurch iyo iripasi peApostolic Faith Mission kuHarare West. Mufundisi Dube avo vakurudzira vatendi kuti vasarasa hunhu pamhembero yekisimusi.

Vatiwo zuva ranhasi nderekupemberera munhu akasunungura mweya yevanhu vese kuti hupenyu hwavo huyendeke zvakanaka.

Mufundisi Dube vakurudzira zvakare vatendi kuti vasatsauka munzira yokutenda Jesu Kristu chero zvazvo nyika iri kuvava nemarwadzo.

Ichokwadi kuti kare haagare ari kare uye matakadya kare haanyaradze mwana.

Mumakore adarika, vanhu vaiburitsa maradio avo panze vachiridza nziyo dzakaita sedzaPaul Matavire, kusanganisa Dhindindi Full Time, asi nekushaikwa kwemagetsi izvi zvave zviroto.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG