Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika Vopesana Maonero paZuva reSarudzo


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vanhu munyika voratidza pfungwa dzakasiyana siyana mukutambira zuva rakatarwa nemutungamiri wenyika VaEmerson Munangagwa rekuitwa kwesarudzo dzegore rino.

VaMnangwagwa vakabudisa mugwaro rehurumende kuti sarudzo dzichaitwa musi wa 30 Chikunguru.

Vamwe vataura neStudio 7 vanoti zuva iri rakurumidziswa sezvo mutemo waitendedza kuti sarudzo dziitwe chero muMwedzi waNyamavhuvhu. Asi vamwe vanotiwo zuva iri rakanaka nekuti pachine mwedzi miviri yekuti vanokwikwidzana vagadzirire nekutsvaga rutsigiro.

Muzvare Jean Mutandi, mumwe mugari wemuMasvingo ari mutsigiri webato reZanu PF, anoti mutungamiriri wenyika aita zvakanaka nekuisa sarudzo pazuva iri.

Asi VaGodfrey Kurauone, mugari wekwaMucheke, vanoti zuva iri raiswa pedyo sezvo mapato mazhinji asati anyatsopedza kusarudza vachavamiririra uye ZEC haisati yapedza kugadzirira sarudzo idzi.

Vamwewo vanoti mutungamiriri wenyika akatevedzera zvinodiwa nebumbiro remutemo nekudaro paiswa sarudzo panofanira kutambirwa nemunhu wese.

Sachigaro wesangano rinomirira zvido zvevatori venhau reMISA-ZIMBABWE, VaGolden Maunganidze, vanoti chakakosha ndechekuti mutemo watevedzerwa uye vanopinda musarudzo vanofanira kuchigadzirira.

Sachigaro weMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa muMasvingo VaJames Gumbi, vanoti musangano wavo wakagadzirira sarudzo chero dzikaitwa svondo rinouya nekudaro vanotambira zuva iri.

Ukuwo, hutungamiri hweZanu PF hunoti hwakagadzirirawo kupinda musarudzo pazuva ratarwa nemukuru wavo vachiti vanoona vachikunda musarudzo idzi.

Sarudzo idzi gore rino dzichakwikiwdza nemasango akawanda anosanganisira mubatanidzwa we MDC Alliance, Zanu PF, Rain bow Coalition, CODE, National Patriotic Front nemamwe mapato mazhinji achangoburwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakadoma weMuvhuro, Chikunguru 30 sezuva rekuti Zimbabwe iite sarudzo dzemutungamiri wenyika, matare eparamende uye makanzuru. Sangano remagweta reVeritas inoti zvave kureva kuti musi uyu rinenge rave zuva rezororo kuti vakwanise kuenda kunovhota sezvinosungirwa mumutemo wesarudzo.

Kana pakashaya munhu anowana mavhoti anosvika pazvikamu zvishanu nerimwe kubva muzana musarudzo dzemutungamiri wenyika, sarudzo dzechipiri pane vaviri vanenge vaine zvikamu zvakawanda dzinoitwa zvekare musi wa18 Gunyana.

Nemusi wa 11 Chikunguru madzishe kubva kumatunhu ose ari kutarisirwa kuti adome vachaenda kudare remadzishe munyika yose.

Musi wa 18 Chikunguru madzishe achasangana muHarare kuti adome mutungamiri wavo nemutevedzeri vake avo vanobva vatora zvigaro muSenate vachimiririra madzishe.

Musi wa 1 Nyamavhuvhu madzishe achasangana kuti adome madzishe achaenda kudare reSenate.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG