Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voratidza Kusaziva nezveCovid-19 Zvopa Kuti Chirwere Ichi Chidzike Midzi


Kunyange hazvo vanhu vazhinji vari kufa nechirwere cheCovid-19, vakawanda munyika vanonzi havasi kutora dambudziko iri nenzira yarinofanirwa kubatwa naro sezvo vanhu vakawanda vasiri kuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

Vanhu vakawanda vari kuchema hama neshamwari dzavo dzinenge dzafa nechirwere che Covid-19.

Kunyange hazvo zvava pachena kut chirwere ichi chiri kuuraya vanhu vakawanda, chinhu chinoshamisa kuti vanhu vakawanda havasi kuzvidzivirira.

Muimbi ane mukurumbira munyika, Bob Nyabinde, avo vane hama yakafa nechirwere ichi, anoti kwese kwaari kufamba, ari kungoona vanhu vasiri kukosesha matanho akatarwa neWorld Health Organisation okuti vagare vakapfeka mamasiki pamwe nekugeza maoko avo nguva dzose.

Nyabinde, uyo ari mushishi rokuronga kuimba rwimbo rwakanangana nezve chirwere cheCovid 19, anoti denda iri rapfunya chisero muyika zvokuti panodiwa dzidziso yakanyanyisa kuitira kuti vanhu vanzwisise.

Nyabinde anoti nyika yakavarairwa apo nyika dzemhiri yemakungwa dzairwisa kutapuriranwa kwechirwere ichi vanhu vachifunga kuti hachisviki kuno.

Mufundisi weAFM Tabernale of Faith iri mudunhu reHarare West, Pastor Sam Dube, vanoti vanhu vari kutora chirwere ichi sedambe.

Pastor Dube vanoti vanhu vose vanofanirwa kutevedzera zvavari kuudzwa nenyanzvi dzehutano senzira dzekuti vasabatwe nechirwere ichi.

Mumwe chiremba wekuSally Mugabe Hospital asina kuda kudomwa nezita rake anoti vanhu vane mabasa anoita kuti vashande nemhomho dzevanhu, ndivo vari kunyanya kutapurirwa chirwere che Covid 19.

VaSebastian Chinhaire, avo vanorwira kodzero dzevanhu vanorarama neHIV/AIDS, vanoti vagari vemuWarren Park D, uko kune mumwe mugari akafa nechirwere ichi, havatombonzwisisa kukosha kwekupfeka mamasiki nekugeza maoko nesipo senzira huru yekudzivirira kutapurirwa Covid 19, nokuti havana kuwana dzidziso iri maringe nezvechirwere ichi.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vanhu havafanire kutya asi kutambira chirwere ichi nekutevedzera zvakatarwa nebazi rezvehutano zvekugara vakageza maoko nekupfeka mamasiki.

Dr Chonzi vanoti vanofirita dzimba dzose dzemuHarare dzinenge dzafira vanhu vakabatwa nechirwere ichi.

Doctor Chonzi vanoti kana vapedza kufirita, vanozotevedza kwese kwakasvikwa nemufi, kana kuti contact tracing, kuitira kuti vakwanise kuongororora vanhu vose vaakasangana navo.

Mukuru anoona nezvekutapuriranwa kwezvirwere mubazi rehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti senzira yekuisa dzidziso muvanhu, bazi rehutano rakaunganidza vanhu mazana maviri kuKadoma svondo rapera, avo vakadzidziswa kuti vagozodzidzisawo vagari vemunharaunda dzavo pamusoro pematanho ekutora kana munhu ave kuratidza kuti ava nedenda reCovid 19.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vakanga vafa neCovid-19 vakanga vava makumi manomwe, uye vabatwa nechirwere ichi, vari zviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe ane makumi maviri nemumwe chete, kana kuti 3,921.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG