Accessibility links

Breaking News

Vakamboshanda KuWENELA Vokurudzirwa Kuti Vavhenekwe Zvirwere Zvinotadzisa Kufema Kuti Vapiwe Muripo


Goridhe

Hurumende iri kukurudzira zvizvarwa zve Zimbabwe zvakashanda mumigodhi yeghoridhe mu South Africa pasi peWitswatersrand Native Labour Association, kana kuti WENELA, kuti vanovhenekwa nechinangwa chekuti vapihwe muripo kana hutano hwavo hwakanganisika nebasa ravaiita.

Chinangwa chekuti vavhenekwe ndechekuti zvizikanwe kana vakabatwa nezvirwere zvinotadzisa kufema, zvakaita serurindi, kana kuti Tuberclosis, ne Silicosis, panguva yavaishanda mumighodhi iyi.

Gurukota rinoona nezvevashandi, MuzvinafundoPaul Mavhima, vakaudza bepanhau reSunday News kuti Zimbabwe neSouth Africa dziri kuwirirana panyaya yekuti vanhu vakabatwa nezvirwere vachishanda mumighodhi iyi vapiwe mari yemuripo.

Kusvika parizvino, vanhu mazana mana vakatovhenekwa kuBulawayo.

Mutungamiri wesangano rinomirira vakamboshanda kuWENELA, reEx-Wenela Miners Association of Zimbabwe, VaLungelwe Mkhwananzi, vari kukurudzirawo vanhu vakamboshanda kuWENELA kuti vaende kunovhenekwa.

Muna 2019, dare repamusoro muSouth Africa, rakapa mutongo wekuti vashandi vakabatwa nezvirwere zvinosanganisira rurindi, kana kuti TB, neSilicosis vanofanira kuripwa.

Miripo iyi iri pakati pemari marand zviuru makumi mashanu kusvika pazviuru mazana mashanu kana kuti R50,00 to R500,000 zvichienderana nekurwara kwemushandi.

Nyanzvi munyaya edzezvematongerwo enyika, vachidzidzisa pa Tswane University of Technology, mu South Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanoti hurumende yakaita zvakanaka kurwira kodzero dzevashandi ava sezvo vamwe vavo vakakuvadzwa zvakanyanya nezvirwere zvakavabata vachishanda mumighodi iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG