Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Murairidzi VemaWarriors VaChidzambwa Vosiya Basa


Vange vari murairidzi wechikwata chemawarriors, vaSunday “Mhofu” Chidzambwa, vasiya basa zvichitevera kuwana kwavaita basa kuchikwata che Freestate Stars chemuSouth Africa. Chief Executive Officer ve ZIFA, vaHenrietta Rushwaya, vanoti ichokwadi kuti vaChidzambwa vasiya basa. Asi havana kuda kutaura zvakawanda.

Mamwe mabepanhau anoti vaChidzambwa vange vasiri kubhadharwa zvakanaka, uye ZIFA ine mari yavo inosvika zviuru makumi matanhatu zvemadhora.

VaChidzambwa vanonzi vatoratidzwa kuvatambi vechikwata chavo chitsva nhasi muSouth Africa uye vachatanga basa ravo ridzva muna Chikumi pachatanga mwaka mutsva wemunyika iyi.

Studio7 haina kukwanisa kubata vaChidzamba kuti tinzwe divi ravo.

Vaimbove murairidzi wechikwata chemaWarriors, va Charles Mhlauri, vanoti kumira basa kwava Chidzambwa kunodzorera mumashure kubudirira kwenhabvu munyika sezvo varairidzi varikuramba vachichinjaniswa vasati panyatso ita basa ravo nemazvo.

Va Mhlauri vanoti zvingange zviinechokwadi kuti Zifa yakapesana navaChidzambwa pamusoro pemari sezvo sangano iri ritoriwo nechikwereti chavo kubva pavakasiya basa gore ra2007.

XS
SM
MD
LG