Accessibility links

Breaking News

Guva raCecil John Rhodes Rokonzera Mutauro


Vaimbova varwiri verusununguko vava nemakore akawanda vachida kuti guva iri rifukunyurwe.

Mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, pamwe nemadzishe eku Matebeleland vanonzi vari kuwirirana pakuti vaimbova varwiri verusununguko vasachera guva raVa Cecil John Rhodes kuitira kuti mapfupa avo abviswe kuMatobo uko vakavigwa mugore ra 1902.

Va Rhodes vaiva mukuru weBritish South Africa Company iyo yakapamba dunhu rese re Southern Africa munguva yavo.

Mashoko aVaMugabe anotevera danho rainge ratorwa nevaimbova varwiriri vehondo yerusununguko rekubvisa guva raVaRhodes kuMatobo.

Vanhu ava nemakore akawanda vachida kuti guva iri rifukunyurwe, inova nyaya yavanga vasimudzirazve zvakare svondo rapera vachiti guva iri riri kutadzisa mvura kunaya mudunhu iri.

Asi madzishe nevamwe muMatebeleland havasi kutsigira pfungwa iyi.

Mukuru webazi reNational Museums and Monuments, Va Godfrey Mahachi, vanoti bazi ravo ibasa rayo kuchengetedza zvinhu zvakaita seguva iri nedzimwe nzvimbo dzakaita se Great Zimbabwe vachiti zvinhu zvinotsanangura nhororondo yenyika.

XS
SM
MD
LG