Accessibility links

Breaking News

VaGwisa Vopa Huchapupu paNyaya Yavari Kupomerwa yeKuti Vaida Kupidigura Hurumende


Nhengo dzesangano reInternational Socialist Organization, kana kuti ISO, idzo dziri kupomerwa mhosva yokuronga zvekupidigura hurumende neChina dzakasvitsa chikumbiro chekuti dzibviswe muhusungwa kana kuti pa "remand" dzichiti hadzina mhosva yadzakapara.

Mutori wenhau Thomas Chiripasi anoti nhengo idzi dzinoti dzakarohwa zvakawomarara dziri muhusungwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nemitemo hadzisi kunyatsotenderana pamabatirwo enyaya dzekuda kupidigura hurumende nechisimba kana kuti kupfuudza mutungamiri wenyika kana kuti treason.

Munhu akabatwa nemhosva iyi anogona kutongerwa rufu asi ndokunge atopandukira hurumende nezvombo.

Panyaya yakaita seyavamunyaradzi gwisai nevamwe vavo maakumi mana nevana, nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri kana vakawanikwa vaine mhosva.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinobuda kunyanya panyaya idzi ndezvekuti munhu apikisa vamugabe anotongerwa mhosva yekuda kuvaita kafiramberi.

Vamwe vakambotongerwa mhosva idzi ndiVJoshua Nkomo, VaLookout Masuku, VaDumiso Dabengwa veZAPU, VaMorgan Tsvangirai veMDC, na VaNdabaningi Sithole veZANU-Ndonga.

Vamwe veMDC vakambotongerwa nyaya iyi ndiVaWelshman Ncube, mushakabvu Renson Gasela, VaTendai Biti naVaRoy Bennet nevamwe.VaNdabaningi Sithole veZanu-Ndonga ndevamwe vakamborovererwa mhosva iyi.

Gweta VaChris Mhike vanoti VaMugabe vakanzwa sarudzo vanobva vatanga kusunga vanhu. Asi nhengo yeZanu-PF VaGabriel Chaibva vanoti mutemo hautarise kuti wabuda mumba maani.

XS
SM
MD
LG