Accessibility links

Breaking News

VaGono Vokwidza Mari Inodiwa Kuti Mabhanga Ashande


Gavhuna webhanga guru renyika, vaGideon Gono, vakwidza mari inodikanwa kuti inge iri mubhanga kusvika pazana remamiriyoni emadhora. Izvi zviri kutanga mugore ra2014.

Vachitura mirawu yavo munyaya dzemari nhasi, vaGono vati vatora danho iri kudzivirira mabhanga asina hudzamu kuti ashande munyika.

Izvi zvinotevera kuvharwa kwemabhanga akati kuti mumwedzi yapfura anosanganisira Royal Bank.

VaGono vanoti hupfumi hweZimbabwe hushoma kwazo kuti paite mabhanga makumi maviri nemashanu, ayo arikushanda munyika pari zvino.

Nyanzvi mune zvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, vaRejoice Ngwenya, vanoti danho ravaGono iri richabatsira kuti mabhanga ashande zvine hudzamu.

XS
SM
MD
LG