Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vokumbira Kuti Nguva yeKubayiwa Nhomba yeTyphoid Iwedzerwe


Vamwe vagari vemuHarare vari kukumbira hurumende kuti iwedzere nguva yechirongwa chekuti vanhu vabaiwe nhomba yekudzivirira chirwere chetyhoid nedzimwe nhomba dzezvimwe zvirwere sezvo chisina kushambadzirwa zvakakwana.

Guta reHarare ndiro rine dambudziko guru rechirwere chetyphoid munyika yose.

Hutachiona hwetyphoid hunopa kuti munhu anzwe kupisa muviri, kuita manyoka uye kurutsa. Chirwere ichi chinokwanisa kutapuriranwa mumvura kana chikafu kana munhu asina kugeza maoko nemvura yakachena.

Amai Juliana Musengi vaudza Studio 7 kuti vakamborwara neTyphoid katatu kubva zvavakatamira kuHarare vachibva kuMashonaland Central sezvo vachiti vainge vasingazive kuti mvura yemugurta haina kuchena.

Vamwe vabereki vanonziwo vari kuramba kubayisa vana nhomba nekushaya ruzivo sezvo pasina kunyatsoshambadzirwa nekupihwa dzidziso yakakwana.

Sachigaro weWomens Coalition Harare Chapter, Amai Charity Mandishona vakarudzira vabereki kuti vabayise vana nhomba vachiti kusaita izvi kunoisa hupenyu hwavo munjodzi yekufa kana kuremara.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano inoshanda mukanzuru yeHarare Dr Michael Vere vati chirongwa chekubaya nhomba ichi chinosanganisirawo kubayiwa majekiseni egomarara nezvimwe uye vanoti chirongwa ichi chakatanga musi wa4 Chivabvu chikapera musi wa 4 Chikumi.

Doctor Vere vati vari kufara nekutambirwa kuri kuitwa nhomba yeHPV yekudzivirira gomarara repamuromo wechibereko.

Mukuru mubazi rezvirwere zvekutapuriranwa kana kuti Department of Chemical Pathology paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo Hilda Matarira vatiwo kuwandisa kwaita vanhu muHarare nekushaikwa kwemvura yakachena ndiko kwave kupa kuti vanhu varware netyphoid.

Kubva muna 2010, chirwere cheTyphoid chakatanga kupararira zvakanyanya muZimbabwe uye muna 2018 bazi rezvehutano rinoti vanhu zviuru zvina kana kuti 4000 kusanganisira vana vakabatwa nechirwere uye vanodarika zvikamu makumi manomwe nezvitatu kubva muzana kana kuti 73% vari muHarare.

Rimwe dambudziko range rave rekuti chirwere ichi chainge chisidadavire mimwe mishonga. Asi ikozvino vana ava vari kubayiwa nhomba inonzi inoshanda zvakanaka kudzivirira kuparira kwechirwere ichi inonzi Typhoid Conjugate Vaccine kana kuti TCV.

Nhomba yeTVC iyi yakatanga kubayiwa munyika muna 2019, paine chinangwa chekubaya nhomba vana mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana maviri kana kuti 6, 2 million.

Vana vari kubayiwa vari pakati pemwedzi mipfumbamwe nemakore gumi nemashanu. Asi chirongwa change chambomiswa sezvo hurumende yange yorwisa nechirwere cheCovid-19. Hurumende iri kushanda nesangano rePATH kuti vanhu vawane nhomba iyi.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG