Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuGuta reMasvingo Vobatsirwa neChikafu neWFP


Chirongwa chesangano reWorld Food Programme(WFP) chekubatsira vanoshaiwa nemari yechikafu mudhorobha reMasvingo nemamwe che "Urban Food Security and Resilience", chiri kutambirwa nemhuri dzinodarika zvuru gumi dzinoti dzanunurwa murushava-shava rwenzara iyo yakawedzerwa nedenda re Covid-19.

Mutauriri we WFP, munyika, Muzvare Clare Nevile, vati chirongwa ichi chakapaururwa mushure mekuona kuti vamwe vagari vemu madhorobha vari kuyuvira nenzara nekuda kwe kushaikwa kwe mari yechikafu zvichikonzerwa ne mamiriro ehupfumi hwenyika uye zvichiwedzerwa nedenda re Covid-19.

Muzvare Nevile, vati pasi pe chirongwa ichi munhu wega wega mumhuri anopuwa mari inosvika madhora gumi nemaviri eku America, asi iri pakadhi rinozotengeswa muzvitoro zvakasarudzwa ne sangano ravo.

Vagari vari pasi pechirongwa ichi vanoti nenyaya yekushaikwa kwechikafu nekuoma kwehupenyu, pamwe nenyaya yeCovid vakange vave kutambura zvikuru, asi chirongwa ichi chakazovanunura.

Amai Janet Mukwendi, vemumusha weMucheke muward one, vanoti chirongwa ichi chakauya panguva yakanaka sezvo vange vave kushaya chekubata apo mabasa avo akavharwa neCovid-19.

Chirongwa ichi chinobatsira avo vanotambura vasina nzira dzekuwana mari kuti vararamise mhuri dzavo uye vakaremara mudhorobha rose.

Mhuri dzine vanhu vanosvika gumi dzinowana mari inopfuura zana remadhora ekuAmerica, izvo zviri kuita kuti vawane raramo yakanaka sezvo vachitenga chikafu chakawanda kutopfuura vashandi vehurumende.

VaMoses Rutombo, vakaremara, uye vane vana vapfumbamwe, nemudzimayi ndevamwe vari kuwana mari inopfuura zana vachiti chirongwa ichi chakavabudisa munzara.

Vagari ava vanopuwa mari iyi mwedzi woga woga voenda muzvitoro zvakafanana neOk, Tsungayi Supermarket ne MSF inowanikwa kunzvimbo dzeve ruzhinji uko vanoenda nema khadi avo ekutengesa chikafu.

Vamwe vanoti nenyaya yekushaikwa kwe chikafu vana vavo vakange vasisaende kuzvikoro asi ezvino vave kuenda kubudikidza nechirongwa ichi.

Amai Rhoda Chinyasa, vanoti chikafu chavatenga nhasi chakawanda zvekuti mhuri yavo yakudya ichiguta kupfura zvavaiita.

Kunze kwe kubatsira vagari vaitambura nenzara chirongwa ichi chiri kubatsirawo vemabhizmusi ezvitoro zvakasarudzwa avo vari kupura mari yekuAmerica nemusana.

Mutevedzeri wemukuru webasa kuchitoro che MSF, Mai Chiedza Mhike, vanoti chitoro chavo chiri kurova mari inopfuura zviuru gumi zve madhora ekuAmerica izvo zvakudza bhizimusi ravo.

Muzvare Nevil veWFP, vati kunze kwekubatsira mhuri zviururu gumi mudhorobha reMasvingo vanosangana nedambudziko rekushaiwa chikafu, sangano ravo riri kubatsira mhuri dzinosvika zviuru mazana matatu mumadhorobha akasiyana siyana munyika yose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG