Accessibility links

Breaking News

Vagari veKwaMarange Voratidzira Vachiti Huori Huri Kuenderera Mberi Mukucherwa kweMangoda


Centre for Natural Resource Governance director Farai Maguwu

Vagari vekwa Chiyadzwa, kuMarange, Manicaland vakabatana nemusi weMuvhuro mangwanani kubva mumisha inokwana makumi mashanu yakakomberedza dunhu iri, vachiratidzira nehwuwori hwavanoti huri kuitwa mukucherwa kwemangoda munharaunda mavo.

Vagari ava vari kugunun’unawo nemagariro avanoita asina kuvanakira, uye kurambidzwa kufamba pamadiro mumatunhu avanogara vachiisirwa mitemo inovarambidza kusvika kuminda yemangoda. Vagari ava vakabatsirwa kuungana kwavakaita nesangano reCenter for Natural Resource Governance. Kuratidzira uku kwakaitirwa pagedhe reBravo 1 maChiyadzwa makare.

Mapurisa nemauto anonziwo akauya nembwa akaridzira vanhu vanga vachiratidzira pfuti kuti vapararire.

Vashandi vemumigodhi yakasiyana siyana iri ma Chiyadzwa vakarambidzwa kupinda pagedheiri nevaenge vachiratidzira.

Nyanzvi mune zve zvicherwa dzinoti nguva yareba hurumende ichisiya vanhu vashoma vachiwana chouviri muminda yemangoda asi budirro chaiyo inoonekera pasina.

VaFarai Maguwu, Vanoshand ne reCenter for Natural Resource Governance, vanoti vanhu vaneta ndizvo zvakonzera kuti varonge kuratidzira kwavari kuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG