Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMwenezi Votya Kutapurirwa Coronavirus neVari Kubva kuSouth Africa


Coronavirus South Africa
Coronavirus South Africa

Vamwe vagari vekuMwenezi ne kuChiredzi vanoti vari kugara mukutya kutapurirwa chirwere che Covid-19 nevamwe vavo vari kudzoka kubva kunyika yeSouth Africa vakange vaenda zvisiri pamutemo
nekuti vari kudzoka vasina kumbotariswa kuti vane chirwere ichi here.

MuSouth Africa ndimo mune vanhu vakawandisa muAfrica yose vabatwa nechirwere checoronavirus vanodarika zviuru zviviri.

VaTsakelani Chauke, vanogara mumaruwa ekwaMaranda, vanoti vari kugara mukutya kubva pakatanga kudzoka hama dzavo nevamwe mumaraini vachisangan neveruzhinji.

Amai Shalati Tsakeni, veku Muhlanguleni, kuChiredzi, vanotiwo vanhu vari kudzoka munzvimbo yavo vakawandisa sezvo kunyika iyi kusisina mabasa nenyaya yekuvharwa kwakaitwa zvinhu nechirwere chatekeshera pasi rose ichi.
Amai Wonekai Matavire, veku Chipinda kuMwenezi, vanoti hurumende inofanira kuisa nzvimbo dzeku vheneka vanhu vari kudzoka mumaruwa mushure mekubuda zvisiri pamutemo ava.

Mutauriri we komiti yeCovid-19 Task force muMasvingo, VaRodgers Irimayi, vati varikuongorora nyaya iyi.
Zvichakadaro komiti ye taskforce iyi pamwe nekanzuru yakavhurisa musika mukuru wemuriwo muMasvingo unozivikanwa nekunzi kuChitima kuti vanhu vakwanise kutenga zvekudya mangwanani oga oga. Izvi zvinotevera kugununu’una kwakanyanya kwevanhu vanotengesa pamisika uye vagari.

Asi vamwe vanoti kuvhurwa kwaita musika uyu kunogona kukonzera kupararira kechirwere mudhorobha sezvo vanhu vazhinji vachatanga kuungana.


Veruzhinji nevatori venhau vari kunyunyutirawo vachipomera mapurisa nemauto mhosva yekuvarova nekuvashungudza vagare mudzimba dzavo.
Mudunhu reMasvingo vatori venhau vana vakashungurudza nemapurisa vachiita basa ravo kunyange hazvo hurumende yakavapa mvumo yekuita basa ravo iro rakosha mukurwisa chirwere ichi.

Sachigaro wesanagno revatori venhau reMisa muMasvingo, VaPassmore Kuzipa, vanoti mapurisa emuMasvingo ave kuita mukurumbira pakushungurudza vatori venhau vari pabasa munguva yakaoma iyi.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Union of Journalists(ZUJ), VaFoster Dongozi, vanoti vari mubishi kutaura nevakuru vemapurisa kuHarare kuti vadzidzise vamwe vavo kuti vasashungurudze vatori venhau vari pabasa. Mutauriri wemapurisa muMasvingo Chief Inspector, Charity Mazula, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Zvichakadaro, VaIrimayi vanova mukuru webazi rezvekufambiswa kwe mashoko muMasvingo, vanoti Komiti yetaskforce iri kutenderera mumaruwa akasiyana- siyana iri kufara kuti vanhu vari kutereera mashoko ekuti vagare mudzimba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG