Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuChinhoyi Vogunun'una neKurambidzwa Kushandisa Zvidhina zvepaZvuru


Vagari vakawanda muChinhoyi vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo rekurambidza kushandiswa kwezvidhina zvepachuru kuvaka dzimba.

Kanzuru yaChinhoyi yakazivisa svondo rapera kuti kushandiswa kwezvidhina izvi kunofanira kunofanirwa kupera musi wa31 Zvita gore rino, ichiti zvivakwa zvose zvichasvika musi uyu zvisati zvapera zvichaputswa.

Mumwe mugari wemuChinhoyi uye vakambove kanzura VaWillie Nyambe vanoti danho rekanzuru iri rinosiya vanhu vakawanda vasina mabasa uye zvinoratidza sekuti kanzuru iri kushanda nekambani yezvizvarwa zvekuChina izvo zviri kukanya zvdhina pedyo neguta iri.

Mumwe mugari wemumusha unogara veruzvinji weRuvimbo VaTrymore Kanyoka vanoti nguva yavapihwa kuti vapedze kuvaka vachishandisa zvidhinha izvi ishoma sezvo vasina mari yakawanda yekutenga zvinodhura zvacho.

Danho rekanzuru iri rashoropodzwawo nevamwe vanorarama nekukanya zvitinha muChinhoyi Amai Monica Mapfundematsva.

Amai Mapfundematsva vanokurudzira kanzuru kuti ivape nzvimbo yekukanyira zvidhin\nha vachibhadhara mutero.

Asi meya weguta VaGarikayi Dendera vanoti vakatora danho iri mushure mekubhadhariswa mari yakawanda nebazi rinoona nekuchengetedzwa kwenharaunda kana kuti Enviromental Management Authority-EMA.

VaDendera varambawo nyaya yekuti vave kushanda nezvizvarwa zvekuChina izvo zviri kukanya zvidhinha pedyo neguta ravo.

Mukuru mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda mudunhu reMashonaland West VaMunyaradzi Nhariswa vanoti danho ratorwa nekanzuru yeChinhoyi rakanaka zvikuru kana vachitarisa kuparadzwa kwenharaunda.

VaNhariswa vanoti pamusoro pemakomba ari kusiyiwa nevari kukanya zvidhinha ari kuzokonzera kufa nekukuvara kwevana vanenge vawiramo, vanhu ava vari kutema miti yakawanda inodiwa pakupisa zvidhina izvi.

Zvidhinha zvinogadzirwa nevanhuwo zvavo zvinotengwa nemadhora makumi matatu nemashanu pachiuru chimwe chete zvichienzaniswa nezvinogadzirwa nezvizvarwa zvekuChina zvinoita masenzi makumi mashanu-US$0.50- emari yekuAmerica chimwechete zvichireva kuti madhora mazana mashanu ekuAmerica-US$500) pachiuru chimwe chete pozoita mari yekutakurisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG