Vakasanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa re MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaElias Mudzuri, vashanya neChishanu munzvimbo dzemaindasitiri nemabhanga kuSoutherton mu Harare.
Nzvimbo iyi inozivikanwa nekuva nemaindasitiri akawanda aiwanisa vanhu mabasa nyika isati yaondomoka hupfumi.
MDC inoti yatora danho iri senzira yekuda kuona mamiriro akaita zvinhu mumaindasitiri pamwe nemumabhanga.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hutungamiri hwebato hwapinda munzvimbo idzi kuitira kuti hunyatsoone kushata kwaita zvinhu sezvo maindasitiri akawanda akavharwa, izvo zviri kupa kuti vanhu vashaye mabasa munyika.
Vatiwo izvi zvakakosha kuitira kuti vagoziva zvinoda kugadziriswa pavachange vapinda muhurumende, sezvo kutaura nevanhu panzvimbo kuri kuvapa mukana wekunyatsonzwa zviri kushungurudza vanhu uye kuti voshanda nevanhu sei mukuedza kugadzirisa zvinhu.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vabudawo vachitsinhira nhau imwechete iyoyo yekuti maindasitiri awondomoka, vanhu havasisina mabasa uye mumabhanga mari iri kuramba ichingoshomeka zuva nezuva.
Bato re MDC rinoti rikapinda muhurumende rinogona kuchinja zvinhu sezvarakamboita mugore ra2009 pavakambopinda muhurumende yemubatanidzwa ne ZANU PF.
Facebook Forum