Accessibility links

Breaking News

Vadare Veparamende Vorega Kubhadhara Mari Dzezvikwereti zveMotokari


Hurumende yakapa nhengo dzeparamende makumi matatu ezviuru zvemadhora pamunhu muna 2009 kuitira kuti vatenge motokari dzekushandisa pabasa

Nhengo dzedare reparamende dzinonzi dziri kunetsana nehurumende zvichitevera kuramba kwadzo kubhadhara zvikwereti zvemari dzavakatengesa dzimotikari dzekushandisa.

Hurumende yakapa nhengo dzeparamende makumi matatu ezviuru zvemadhora pamunhu muna 2009 kuitira kuti vatenge motokari dzekushandisa pabasa.

Vamiriri ava vanoti hurumende inofanira kuvapa motokari dzekushandisa munguva yavanenge vachimirira matunhu avo sezvinoitwa kumakurukota.

Munyori webazi rezvemari, Va Willard Manungo, vanoti nhengo dzeparamende dzinofanirwa kudzosa mari iyi nechimbi chimbi.

Ukuwo munyori wedare, Va Austin Zvoma, vanoti harisi basa reparamende rekuti vamiririri ava vadzosere zvikwereti zvemotokari izvi.

Mumiriri we Goromonzi North, uye vari sachigaro we wekomiti inoona nezvekugara zvakanaka kwenhengo dzeparamende, Va Paddy Zhanda, vati pane zvizhinji zvinoda kugadziriswa munyaya dzemotokari idzi.

XS
SM
MD
LG