Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga neMudzimai Wavo Voyedza Kutaurirana paNyaya yeKurambana


VaConstantino Chiwenga naMuzvare Mai Marry Mubayiwa
VaConstantino Chiwenga naMuzvare Mai Marry Mubayiwa

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanonzi vatenda kuti nyaya yekurambana nemudzimai wavo, Muzvare Marry Mubaiwa, inzwikwe kunze kwedare mushure mekunge vaviri ava vatanga kufukura hapwa vachipumhana huroyi.

Mutongi wenyaya iyi, Justice Christopher Dube-Banda, vati magweta evaviri ava adzoke kudare svondo rinouya vachivasuma kuti vanenge vachida kuenderera mberi here kana kuti kutaurirana.

Nyaya dziri kuda kugadziriswa mukurambana kwavo, inyaya dzekuti ndiyani achachengeta vana vavo vatatu uye kugovana midziyo inosanganisira dzimba nezvikakarara zvemotokari.

Nyaya yemba yekuBorrowdale Brooke iri kunetsawo sezvo Muzvare Mubayiwa vari kuti vakarambidzwa kupinda mumba yavaigara iyi nemauto kunyange hazvo dare repamusoro rainge rati vaende kunogarako vakamirira kutongwa.

Izvi zvabuda mudare neChishanu apo gweta raMuzvare Chiwenga, VaTaona Nyamakura, nerimwe gweta raVaChiwenga, Advocate Lewis Uriri, vati kutongwa kwenyaya iyi kumbosendekwa vachiyedza kutaurirana.

Asi VaUriri vaudza Studio 7 kuti havatenderwi kutaura nevatori venhau vakati titaure nerimwe gweta raVaChiwenga, VaWellington Pasipanodya.

VaPasipanodya vaudza Studio7 kuti vachakamirira kunzwa kubva kuna VaChiwenga kuti votora gwara ripi.

VaNyamakura vaudza Studio7 kuti vapanana magwaro semagweta uye vachadoka kudare neMuvhuro vachitaura zvavanenge vawirirana asi kana pasina chabuda, nyaya iyi ichatanga kunzwikwa neChipiri.

Kunze kwekunetsana panyaya yekurambana iyi, Muzvarwe Mubayiwa vari kupomerwawo dzimwe mhosva mbiri imwe yekuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo, neimwe yekuda kuuraya murume wavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru musangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kugadzirisa nyaya iyi kunofanira kuona kuti kodzero dzevana vavo vatatu dzaremekedzwa.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG