Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Voshorwa Vachinzi Vanoda Kuvharidzira Huori muZanu-PF


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Nyanzvi munyaya dzekurwisana nehuwori inoti mashoko akataurwa nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, ekuti kufumura mazita evemabhizimusi vemunyika vakabudirira vanenge vachinzi vari kuita zvehuwori kunokanganisa kukura kwehupfumi hwenyika, anopa mufananidzo wekuti Zimbabwe inotambira huwori.

Vanoona nezvemabasa musangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaMunyaradzi Alouis Chaumba vanoti mashoko akadaro haafanirwe kunge achibva kumunhu mukuru akaita saVaChinamasa, avo vanofanirwa kunge vari ivo vari pamberi mukurwisana nehuwori mubato ravo reZanu PF pamwe nemuhurumende umo vakambove gurukota pamwe nemunyika yose.

VaChinamasa vakaudza bepanhau reHerald kuti kufumura mazita evanenge vachipomerwa kuita zvehuwori kunoita kuti vemabhizimusi vanenge vafumurwa vatize munyika vachienda muhupoteri izvo zvisingazobatsire kukura kwehupfumi, uhwo hunofanirwa kukudzwa nevemabhizimusi vemunyika.

Vanonzi vakatiwo zvakare izvi zvinogona kuitawo zvakare kuti vekunze vanenge vachida kuzodyara mari dzavo munyika vatye kupinda munyika.

Studio 7 yakundikana kubata VaChinamasa kuti tizvinzwire tega pamusoro pemashoko avo aya.

Hurukuro naVaMuyaradzi Chaumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG