Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votenderwa Kuita Musangano Mushure Mekunge Vati Havachateereri Mapurisa


VaNelson Chamisa naIshe Ndiweni

Mapurisa azotenda kupa mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa mvumo yekuti vataure kunyika hurongwa hwavanoti hwekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika kuStoddart Hall kuMbare. Bato iri rinoti hurongwa uhu hunonzi MDC’s Agenda 2020.

Mapurisa azodududza mushure mekunga VaChamisa vanyora padandemutande ravo reTwitter vachiti vainge vaneta nekurambidzwa kuita misangano nemapurisa nekudaro vainge voenderera mberi pasina kusuma mapurisa aya.

VaChamisa vaida kuparura hurongwa hwavo uyu nemusi weChipiri svondo rapera asi mapurisa akati ainge asingakwanise kuvapa mvumo achiti ainge ari kumboona kuti vana vechikoro vadzokera kuzvikoro zvavo pasina njodzi. Asi veMDC vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro sezvo mapurisa asinei nenyaya dzekuvhurwa kwezvikoro.

Vachitaura neStudio 7, mutevedzeri wemutauri webato iri VaLuke Tamborinyoka vati vawana tsamba kubva kumapurisa ichivazivisa kuti vaenderere mberi nehurongwa hwavo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemurongi wemabasa mubato iri vaAmos Chibaya.

VaTamborinyoka vawedzerawo vati nekuoma kwakaita zvinhu munyika, VaChamisa vachange vachitsanangurira veruzhinji kuti bato ravo ririkuti chii nekutambura kuri kuita veruzhinji.

Mumwe mutengesi wemumugwagwa VaDhobha Moyowatidhi vati zvakakosha kuti VaChamisa vaite hurukuro nevanhu.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute VaBekezela Gumbo vati MDC sebato rinopikisa inofanira kuratidza nyika kuti zvi zvaingaite zvakasiyana nezviri kuitwa nehurumende yeZanu-PF.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati kana MDC yabvumidzwa kuita musangano wavo nemapurisa hapana angazvirambidza.

Asi VaMutodi vati hapana bato rinopikisa rinokwanisa kutaura gwara renyika sezvo risina masimba ekuvandudza zvinhu

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi tsamba yabva kumapurisa iri mumaoko eStudio 7 inoti veMDC havafanire kufora vachienda kana kubva kugungano iri, kuparadza midziyo uye kutevedzera nguva yakatarwa.

Gore rapera muna Mbudzi, vamwe vatsigiri veMDC vakakuvara zvakaipisisa mushure mekurohwa nemapurisa apo aida kuvarambidza kunzwa mashoko avaChamisa kunyika pasi pedingindira rekuti Hope of the Nation Address. Mapurisa gore rapera airambidzawo MDC MDC kuratidzira mune mamwe maguta munyika

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG