Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voshora Hurumende neKutumira Vakuru Vakuru Kunorapwa Kunze


VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vashora zvikuru tsika yehurumende yekuenda kunorapwa kunze kwenyika vachisiya varombo vachiyaura munyika nekuti havana mari. VaChamisa vakataura mashoko aya kuMvurwi, Mashonaland Central uko vange vachiita musangano nemusi weSvondo.

Mashoko avo anotevera mutauro wasimuka munyika mushure mekunge hurumende yasimudza mumwe mutevedzeri wemutungami wenyika VaKembo Mohadi negurukota rezvezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri-Kashiri kuSouth Africa mushure mekuputikirwa nerinofungidzirwa kuti igirinedhi kuWhite City Stadium.

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemhuri yavo vaienda kunorapwa kunze kwenyika zvikuru kuSingapore.

Kunyangwe vaviri ava vakatakurwa nendege kunorapwa, vamwe vanhu vanodarika makumi mana vakakuvarawo havana kuwana mukana uyu sezvo vari kurapwa muzvipatara zvemunyika. Vamwe vaviri vakatoshaya.

VaChamisa vatiwo VaChamisa semusambangwena kuona kuti sarudzo dzegore rino hadzisi kuzobiridzirwa.

Vavimbisawo kuti vakasarudzwa kuti vatungamire nyika vachagadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

VaChamisa vakataurawo nyaya yeminda vachiti vakakunda hurumende yavo haisi kuzobvutira vanhu mumapurazi.

Vakataurawo nyaya yekuti vane hurongwa hwekuwanisa vanhu mabasa. Vashorawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemumwe mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga nekungoita gudzira mukanwa vasingagadzirise matambudziko akatarisama nenyika.

VaChamisa vakavimbisawo vanhu kuti vachapihwa mari yemudyandigere. Sarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kutarisirwa kuitwa musi wa 30 mwedzi uno. Pane vanhu makumi maviri nevatatu vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG