Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voramba Kuti Bato Ravo Rave Zinyenyeke


Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, varamba kuti bato ravo rapindwa naPongwe nekubuda mubato iri kwevamwe vakuru vakuru.

Amai Lilian Timveos naVaTongai Matutu ndevamwe vakabuda mubato iri vachienda kubato riri kutonga reZanu-PF.

Asi VaChamisa vaudza Studio 7 kuti nyaya dzekuti vamwe vanobuda kana kuuya kubato ravo hadzishamise nekuti mapato ezvematongerwo enyika haaite zvekumanikidzwa vanhu kuti vave nhengo.

VaChamisa varamba nyaya iri kutaurwa nebato reZanu-PF kuti bato ravo raita mamvemve vachiti kunyange kare vamwe mubato reMDC vakaita saAmai Sekesai Makwavarara vakamboendawo kuZanu-PF asi hazvina kuparadza bato ravo.

VaChamisa vati vane chivimbo nemunyori mukuru webato ravo, VaCharlton Hwende, avo vari kunzi nevamwe mubato ndivo vari kukonzera zinyekenyeke muMDC Alliance.

Panyaya yekuti vanyanya kunyarara, VaChamisa vatiwo semutungamiri webato havafanire kungorova bembera panyaya dzose vachiti vanotaura chete kana zvakakodzera.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG