Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri we MDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rakagadzirira kushanda sehurumende itsva kana nguva yacho yakwana.


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Mutungamiri we MDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rakagadzirira kushanda sehurumende itsva kana nguva yacho yakwana.

Vachinyora padandemutande ravo re Twitter nezuro, . VaChamisa vakaramba vakatsika madziro vachiti ndivo vakasarudzwa neruzhinji rwevanhu, kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakati sarudzo yemutungamiri wenyika yakakundwa naVaEmmerson Mnangagwa ve Zanu PF.

Vanoti hurongwa hwebato ravo kubva mumusangano wehutungamiri hwebato ravo, hwe National Standing Committee, hwavakaita nemusi weSvondo, vave kumira sebato rimwechete nevose vakanga vari mumubatanidzwa weMDC Alliance. VaChamisa vanoti chisungo ichi chakanangana nekuvaka gwara rekuti bato ravo ritungamire zvine mutsindo nenzira inocherechedza zvido zvevatsigiri vavo.

Vakatiwo vanoda kuita sungawirirano nehutungamiri hwese hwebato ravo vachiunza pfungwa itsva nemaonero matsva pasi pedonzvo rehutungamiriri hwakajeka ravari kuti hash tag smart leadership. Ichi chirongwa chavakaparura chinotaura mashandiro avachaita sebato radzokera pamavambo eMDC.

Mutauririri wemutungamiri webato re MDC, Doctor Nkululeko Sibanda vanoti VaChamisa vakakoka vose vaive mu MDC yakare uye havana wavari kusiya panze. Vatiwo MDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe kana ichidawo kudzoka kune vamwe yakasusunguka kuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG