Mutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa, vari muSouth Africa umo vari kutarisirwa kuita hurukuro nemutungamiri wenyika iyi, VaCyril Ramaphosa, nevamwe vakuru vakuru vachivakurudzira kuti vapindire mukuyedza kukurudzira nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvematongerwo enyika uye nyaya dzezvehupfumi zvopa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.
Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakatombouya kuZimbabwe gore rapera vakavimbisa kuzodzoka kuzobatsira kutanga nhaurirano asi havana kuzodzoka sezvainge zvakatarisirwa.
VaMbeki vakaita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaChamisa uye nevamwe vatungamiri vemapato anopikisa madiki ari muPolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD.
Munyori anoona nezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti kana veMDC kana vachida nhaurirano vanofanira kupinda mugungano rePOLAD.
Facebook Forum