Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vobatana neVamwe Vashoma Kuviga VaMdlongwa Vakashaya neCovid-19


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance neMugovera vakabatana nevamwe vanhu vashoma kuradzika vakambomirira Pumula Luveve mudare reparamede vari nhengo yeMDC VaEsaph Mdlongwa.

Muchakabvu uyop akashaya nechirwere cheCovid-19 akava munyori anoone nezvekufambiswa kwemabasa muMDC payakavambwa muna 1999.

VaMdlongwa vakashaya kuchipatara cheMater Dei Hospital muBulawayo uye ndivo baba weanotsikisa mimhanzi aine mukurumbira zvakanyanya kuSouth Africa, Oscar “Oskido” Mdlongwa.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti VaMdlongwa vaive munhu akazvipira kurwira kodzero dzevashandi uye vanhuwo zvavo. Vati nyika yarasikirwa negamba chairo. Vanhu vashoma ndivo vakokwa kuzoradzika VaMdlongwa nenyaya yekushaya kwavakaita neCovid-19.

Chirwere cheCovid-19 chauraya vanhu mazana maviri nemakumi matatu nemumwe kusvika parizvino.Vanhu vabatwa nechirwere ichi vanosvika zviuru zvisere zvine zana negumi nerimwe kana kuti 8, 110.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG