Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Ndivo Vakakunda Musarudzo Zvavanoti Zvichazadziswa neConCourt


Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa

Mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaudza vatori venhau kuti vane chivimbo chekuti vachakunda panyaya yavakwidza kudare reConstitutional Court yekuti ndivo vakunda musarudzo dzemutungamiriri wenyika.

Vanotiwo vanoda kuti sangano reSADC ripindire panyaya yeZimbabwe nekuona kuti vakakundwa musarudzo vasiya zvigaro murunyararo. Zimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF ndivo vakakunda asi VaChamisa vanoti sarudzo idzi dzakabiririrwa zvemhando yepamusoro.

Nyaya yaVaChamisa avo vari kumirirwa nemagweta akawanda emuno nekunze, ichanzikwa nedare repamusoro soro reConstitutional Court kutanga musi weChitatu uye vati tariro yavo ndeye kuti dare richabata nyaya iyi zvine mwero.

VaChamisa varamba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya yave mudare asi vakati vane dzimwe nzira dzakawanda dzavachatora kuchengetedza mavhoti emhomho yeZimbabwe iyo vanoti yakavavhotera.

Vakurudzira SADC kuti ipindire muZimbabwe uye kuti pave nekupanana zvigaro pakati pevakakunda sarudzo nevakakundwa murunyararo.

Vashorawo bato reZanu PF nekwavanoti kushungurudza vanhu zvikurusei mumaruwa. Vati kuita kweZanu PF hakuna kusiyana nekwemasangano anopfurikidzwa mwero akaita seBoko Haram yekuNigeria neAl Shabaab, yekuSomalia pamwe ne ISIS yekuSyria.

Asi vachitaura nebepanhau reSunday Mail, mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakati hapana humbowo hekuti pane vanhu vari kushungurudzwa. General Chiwenga vanoti vanopikisa vari kunyepa kuti vazopinzwe muhurumende yemubatanidzwa.

Zvichakadai, VaChamisa vatenda SADC nekusakorokotedza VaMnangagwa pamusangano wayo kuNamibia mukupera kwesvondo vachiti izvi zvinotaridza kuti sangano iri rinoziva kuti pane nyaya yakakomba muZimbabwe.

Munyori anoona nezvemutemo muZanu PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vaudza Studio 7 kuti MDC Alliance yakakwidza nyaya kudare uye inofanira kutambira zvinenge zvabuda mudare.

Vati vanoziva kuti mutungamiriri webato ravo akakunda musarudzo uye izvi ndozvichatsinhirwa nedare nemusi weChitatu.

Mumagwaro ayo panyaya yaVaChamisa, Zec yakabvuma kuti mavhoti ayakaburitsa kuti ndiwo akakunda naVaMnangagwa ange asina kumira zvakanaka uye yaadzikisa katatu kusvika pari zvino.

Asi VaMangwana vanoti VaMngagwa vanoramba vari pamusoro zvisinei nezvakataurwa neZec.

VaBekezela Gumbo veZimbabwe Democracy Institute vaudza Studio 7 kuti kana MDC Alliance ikasabudirira kuConstitutional Court, inofanira kutambira zvinenge zvabuda mudare kana kuratidzira kudzamara hurumende yaterera zvichemo zvayo.

VaChamisa vati MDC Alliance ichaita zvese zvainokwanisa kuita kuchetengetdza mavhoti evanhu murunyararo zvisinei nekuti Zanu PF yatotanga kushungurudza nhengo dzayo ichishandisa mapazi ehurumende akaita semauto, masoja nevasori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG