Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Kutadza Kutungamira Kwapa Kuti Africa Isarire Shure


VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti nyaya yekutadza kutungamirwa kwenyika yapa kuti nyika dzemuAfrica dzitadze kuzadzikisa tarisiro yemagamba akaita savanamuchakabvu, Kwame Nkrumah, Julius Nyerere nevamwe vakatungamira mukurwisa hutongi hwevasveta simba.

VaChamisa vataura mashoko ayo kuStudio 7 pazuva rekupemberera kuumbwa kwesangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica weOrganization of African Unity rave kuzivikanwa nekuti African Union.

Vati kuti Africa ikwanise kubudirira, inofanira kuve nehutongo hwejekerere ichiremekedza kodzero dzevanhu kwete kuti mauto apote achitungamira nyaya dzezvematongerwo enyika.

VaChamisa vatiwo zvakakosha kuti nyika dzemuAfrica dzigare pasi dzione kuti dzingagadzirise sei matambudziko aunza hurombo mudunhu rine zviwanikwa nezvimwe zvinokwanisa kusimudzira magariro evanhu kana vachitaura nezwi rimwe chete.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG