Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Havasi Kuzopa Huchapupu Kukomisheni yaVaMothlante Kana VaMnagagwa Vasinawo Kukokwa


VaNelson Chamisa

Komisheni yakadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iongorore mhirizhonga yakaitika muHarare muna Nyamavhuvhu yakoka mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuti vazopindura nyaya yavari kupomerwa yekuti ndivo vakakonzeresa mhirizhonga iyi.

Asi VaChamisa vanoti havasi kuzomira pamberi pekomisheni iyi kana VaMnangagwa vasina kushevedzwa.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House muHarare neChina, VaChamisa vati vatambira tsamba yakanyorwa nasachigaro wekomisheni iyi avo vaimbova mutungamiri weSouth Africa kwechinguvana yekuvakoka kuti vazopa humbowo kukomisheni.

Mutsamba iyi, iyo iri mumaoko eStudio 7, VaMotlanthe vati VaChamisa vanofanira kupindura kumhosva yavakapomerwa nevamwe vakapa hufakazi kukomisheni yavo hwekuti ndivo vakakonzeresa mhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu yakazoita kuti vanhu vatanhatu vafe uye vazhinji vakuvare mushure mekupfurwa nevari kufungidzirwa kuti masoja.

Vamwe vakumbirwa nekomisheni iyi kuti vazopa hufakazi mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaTendai Biti, vakakwikwidza vakamirira MDC Alliance kuHarare South avo vaimbova nhengo yeZanu PF vaShadreck Mashayamombe pamwe naVaJim Kunaka vebato reNational Patriotic Front.

Asi VaChamisa vati havasi kuzonomira pamberi pekomisheni iyi kana VaMnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vasina kushevedzwa kuzopa humbowo kukomisheni iyi.

Mukuru-mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vakaudza komisheni iyi kuti VaMnangagwa ndivo vakapa masoja mvumo yekupinda mumigwagwa zvavakati zvaizivikanwawo naVaChiwenga avo vaivawo zvakare gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika.

Mutauriri wekomisheni yaVaMotlanthe, VaJohn Masuku, vaudza Studio 7 kuti zvakanakira VaChamisa kuti vamire pamberi pekomisheni yavo kuti vataurewo pavamire panyaya iyi. VaMasuku vati komisheni yavo ichiri kuongorora kuti VaMnangagwa naVaChiwenga vomiswa here pamberi pekomisheni yavo.

Gweta uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti VaChamisa havasungirwe nemutemo kuenda kunomirira pamberi pekomisheni yaVaMotlanthe iyi kana vasingade zvichitevera kukokwa kwavaitwa vachiti tsamba yatumirwa VaChamisa iyi harisi gwaro riri pamutemo rinovasungira kuti vamire pamberi pekomisheni iyi kana kuti subpoena.

VaChamisa vati ivo nebato ravo havasirivo vakaudza vanhu vakaratidzira musi uyu kuti vapinde mumugwagwa vachiratidzira. Vachitaurawo pamusangano uyu, munyori mukuru muMDC, VaDouglas Mwonzora vati ivo pamwechete nemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vakamboyambira komisheni inoona nezvesarudzo sarudzo dzisati dzaitwa yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti ichimbidze kuburitsa zvaizobuda musarudzo kudzivirira mhirizhonga munyika sezvo vachiti veruzhinji havavimbe neZEC.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMnagwana kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi. VaMwonzora vatiwo mavhidhiyo anoratidza masoja akazvivhara kumeso achiridza pfuti musi uyu humbowo hwakakwana hunoratidza kuti masoja ndiwo akauraya vanhu vachiti masoja anenge achichengetedza runyararo haafanire kunge akavhara zviso zvawo.

Varambawo zvakare kuti mubato ravo mune boka rinodaidzwa kuti Vanguard iro rakapomerwawo mhosva yekukonzeresa mhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu vachiti boka reVanguard rakaparadzwa kare muna Kurume wegore rino sarudzo dzisati dzaitwa.

VaChamisa vatiwo hurumende ine hurongwa hwekuparadza MDC ndosaka ichipomera mhosva iyi kubato ravo. Vati zviri pachena kuti vanhu vakafa musi uyu vakapfurwa nemasoja pakatariswa humbowo hwemavhidhiyo akabuditswa nemasangano enhau paiitika mhirizhonga iyi.

Vaenderera mberi komisheni yaifanira kuumbwa ikomisheni yaifanira kutarisa kushayikwa kwakaita VaItai Dzamara mushure mekupambwa nevanofungidzirwa kuti vasori kwete kutambisa mari yehurumende nezvinhu zvinozivikanwa nemunhu wese kuti vanhu vakapfurwa ava vakapfurwa nemauto. yezvesarudzo iyi.

VaMatanga vakaudza komisheni yaVaMotlanthe kuti pangadai pakafa vanhu vakawanda musi uyu dai masoja akashandisa pfuti dzawo zvisina mwero uye vanoti havazivi kuti aiudza masoja zvekuita musi uyu ndiyani sezvinodiwa pamutemo kana masoja apinda mumigwagwa kunobatsira mapurisa mukuchengetedza runyararo uyo unoti masoja anofanira kunge ari pasi pemapurisa.

Nekune rumwe rutivi, mukuru wemauto VaPhillip Valerio Sibanda vakati havazivi kuti akapfura vanhu vakafa ndiyani sezvo vakaudza komisheni iyi kuti masoja akazopinda mumigwagwa vanhu vapfurwa kare. Mumwe mukuru muchiuto VaAncelem Nhamo Sanyatwe vakatiwo masoja aridzira pfuti asingapfuri varatidziri.

Kunyange hazvo hurumende ichiti kwakafa vanhu vatanhatu musi uyu, masangano akazvimira anoti vanhu vakafa musi uyu vanogona kudarika gumi sezvo vamwe vevakapfurwa ava vachinzi vakafa vachiendeswa kuzvipatara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG