Accessibility links

Breaking News

VaBiti Votatsurana naVaMangudya neNyaya yeMari ye"Command Agriculture"


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, nhasi vaudza komiti yeparamende kuti hapana chavakatadza apo vakashandisa mari inodarika mabhiriyoni matatu kutenga zvinhu pazvirongwa zvakaita sePresidential Input, Command nezvimwe muna 2017 na2018 vachiti zvese izvi zvakaitwa paine mvumo kubva kuhurumende.

Sachigaro wekomiti iyi ndiVaTendai Biti vanova mumwe mutevedzeri wemutungamiri weMDC.

Komiti iyi yange yakoka VaMangudya kuti vazotsanangura kuti sei RBZ yakashandisa mari inodarika mabhiriyoni matatu emadhora muna 2017 na 2018 zvisina mvumo yeparamende.

VaBiti vaudza VaMangudya kuti komiti yavo yaita izvi mushure mekunge hofisi yaAuditor General yaburitsa magwaro anoratidza kuti RBZ yainge yashandisa mari isiri mubhajeti uye pasina mvumo yedare reparamende sezviri mubumbiro remutemo.

VaBiti vabvunza VaMangudya kuti chii chakaita kuti vatyore mutemo wenyika.

Asi VaMangudya vaudza komiti iyi kuti hapana mutemo wavakatyora vachiti vakatumwa nehurumende kuita zvese zvavakaita.

Vati kana paka kanganiswa mutemo, gurukota rezvemari ndiro rinofanira kubvunzwa nekuti ndiro rakavapa mvumo yekubhadhara zvinhu zvakawanda zvakaita sezvinhu zvaishandiswa pazvirongwa zvakaita sePresidential Input Scheme, Command Agriculture pamwe nekubhadhara makambani akaita seZESA, ZISCOSTEEL nemamwe.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube sezvo vari kuRussia kumusangano weRussia Africa Summit.

Asi VaBiti nevamwe vavo vati komiti yavo yakabvunzurudza vamwe vakuru vakuru mubazi rezvemari nerekurima avo vakataura kuti vainge vasingazive kuti mari dzainge dzabhadharwa neRBZ dzaive dzei.

Asi VaMangudya vati zviri pachena kuti vakuru vakuru ava vanogona kunge vakanyepera komiti iyi kana kuti vainge vasingazive zveshuwa asi vakati bhanga ravo rine matsamba ese akabva kugurukota rezvemari richivaudza kuti vabhadhare makambani kana kutenga zvinhu zvakatenga.

Imwe nyaya isina kufadza komiti iyi ndeyekuti maTreasury Bills akaburitswa neRBZ nebazi rezvemari ainge asina zvese zvinodiwa pamaTreasury Bills. VaMangudya vabvuma kuti apa vakati vachagadzirisa izvi mune remangwana.

Pamusangano wanhasi pamboita kukandira makobvu nematete pakati paVaMangudya naVaBiti izvo zvisina kufadza dzimwe nhengo dzekomiti iyi.

Mumwe asina kufara nekuita kwaVaMangudya naVaBiti ndiAmai Barbara Rwodzi avo vaudza vaviriri ava kuti varekemekedze dzimwe nhengo dzekomiti iyi kuti ikwanise kuita basa ravo zvakanaka.

Komiti yaVaBiti iri kushushikana kuti mari dzehurumende dzakashandiswa zviri kunze kwemutemo zvikuru sei pazvirongwa zvakaita sePresidential Input Scheme neCommand Agriculture uye nemusi weMuvhuro unouya ichabvunzurudza zvakare vakuru vakuru mubazi rezvemari pamusoro penyaya iyi.

Nhasi komiti iyi yange yakatarisirwa kutura gwaro rayo rekutanga pamusoro pemashandire eRBZ.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG