Accessibility links

Breaking News

VaBiti Voshora VaMnangagwa NeKudzinga Vanhu kuChilonga Vachipa Muchena Purazi


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Bato guru rinopikisa reMDC Alliance riri kushora zvikuru danho rehurumende rekuda kutamisa vanhu vekuChilonga kuChiredzi misha yavo kuti ipihwe kambani yeDendairy.

Kambani iyi inonzi irikuda kuti irime huswa hwemombe.

MDC Alliance yakakatumira chikwata chayo kunzvimbo iyi chichitungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato iri VaTendai Biti.

VaBiti vaudza Studio 7 kuti vanhu vemunzvimbo iyi havana kunge vasumwa nezvedanho rehurumende uye vari kuti hapana chakaipa kuti varime ivo huswa hwemombe votengesera kambani yeDendairy vasina kubviswa nechisimba.

Vatiwo zviri pachena kuti VaMnangagwa vave kudzosera minda kuvachena.

Asi mushure mekushorwa zvakanyanya neveruzhinji , gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira vakaudza bepanhau reHerald kuti vashoma pavanhu zviuru gumi nezviviri ndivo vachatamiswa vamwe vachizoshanda nekambani iyi.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vakapomera vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu mhosva yekupesvedzera vanhu vekuChilonga kuti varambe kutama.

Asi nemusi weChishanu mumwe mutongi wedare ramejastiriti kuMasvingo akati hurumende imbomira kumanikidza vanhu kutama kuChilonga kana isina kuvaudza kuti vari kuendeswa kupi sezviri mubumbiro remitemo.

Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo ndivo vakabuditsa mutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument wekuda kumanikidza vanhu ava kutama vachisiya misha yavo kumurimi muchena VaNeville Coetzee vanonzi ishamwari yaVaMnangagwa.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG