Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanopinda paNyanga Zviri paMutemo


VaTrump naVaBiden
VaTrump naVaBiden

America yave nemutungamiri wenyika mutsva zvichitevera kutoreswa mhiko kwaVaJoe Biden neChitatu masikati.

Izvi zvinotevera kukunda kwavakaita vanga vari mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, musarudzo dzakaitwa muna Mbudzi gore rapera.

VaBiden vakasimuka kubva kumba kwavo kudunhu reDelaware neChipiri vachiuuya kuWashington DC vachiti kusarudzwa kwavo kwapinda munhoroondo yenyika.

VaBiden vatoreswa mhiko semutungamiri wechimakumi mana nematanhatu kana kuti 46th President.

Vachange kvachitungamira nyika kwemakore mana anotevera.

Asi kekutanga mumakore akawanda, hapana kunyatsotambidzanwa masimba sezvo VaTrump vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Munhoroondo yeAmerica yekugamuchidzana masimba, zvakagumisira kuitwa muna 1869 nevaive mutungamiri wenyika VaAndrew Johnson kuramba kuenda panotoreswa mhiko vainge vasarudzwa kutungamira nyika VaUlysses S. Grant.

Pazvakaitika muna 1921 zvakakonzerwa nehurwere hwaVaWoodrow Wilson vakakundikana kuona VaWarren G. Harding vachitoreswa mhiko semutungamiri wenyika.

Vachipa pfungwa dzavo pakusavapo kwaVaTrump, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaEsau Mavindidze, vati zviri kuitwa naVaTrump zvinongoratidza hunhu hwavo hwekusada kuita zvinotarisirwa kuvatungamiri venyika yeAmerica.

Vanhu vashoma vaungana padare reparamende reCapitol Hill pakutoreswa mhiko kwaVaBiden sezvo pari kutyirwa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vakasarudzwa kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, vatoreswawo mhiko vachiva mudzimai wekutanga kuva nechigaro ichi.

Kunyange VaTrump vanga vasiri pakugadzwa kwaVaBiden, mutevedzeri wavo, VaMike Pence, vanga varipo nedzimwe nhengo dzedare reparamende dzeRepublican Party.

Vamwe vaimbova vatungamiri venyika yeAmerica vanoti VaGeorge Bush, VaBill Clinton, naVaBarack Obama, vanga varipo pakugadzwa kwaVaBiden.

Muimbi ane mukurumbira, Lady Gaga, ndiye aimba national anthem uye vamwe vari kuimba ndiJennifer Lopez na Garth Brooks.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vapa mashoko kunyika nezvavari kutarisira kuita semutungamiri.

Mangwanani anhasi VaBiden nevakuru vebato ravo reDemocratic Party nerinopikisa reRepublican Party vaenda kukereke yeSt Johns Episcopal Church vasati vaenda kuCapitol Hill.

Asi VaBiden vakatarisana nemutoro mukuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanodarika zviuru mazana mana muAmerica.

VaChitaura muWashintgon DC neChipiri manheru, VaBiden vakatenda kuti chirwere ichi chaunza kusuwa.

VaTrump nezuro vakatura kunyika mashoko avo ekuoneka asi havana kudoma VaBiden nezita uye havana kutambira kuti ndivo vakakonzera mhirizhinga yakaitwa nevatsigiri paCapitol Hill iyo vari kunzi vakapesvedzera.

VaTrump vakataurawo nezvavanoti vakakwanisa kuita mumakore mana avaitungamira zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi hwenyika, kusimbisa miganhu yenyika, kuona kuti nhomba yeCovid-19 yagadzirwa nechimbi chimbi nezvimwe.

VaTrump vasimuka mangwanani vakananga kuFlorida uko vanenge vave kunogara.

Asi vasati vasimuka vaonekana nevatsigiri vavo paAndrews Airforce Base muMaryland vakavimbisa kuti vachadzoka.

Vachipa pfungwa dzavo nezvemashoko aya, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaPromise Sande, avo vari kuSouth Carolina muno muAmerica, vati VaTrump avo vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga paCapitol Hill vanogona kurambidzwa kuita zvematongerwo enyika.

Vachishandisawo masimba avo ehutungamiri wenyika, VaTrump vakaregerera vanhu zana nemakumi mana nevatatu vanosanganisira chipangamazano chavo VaSteve Bannon, vaimbi Li Wayne naKodak Black asi havana kuzviregerera ivo nemhuri yavo sezvaifungidzirwa nevamwe.

Munhoroondo yeAmerica panyaya dzekuona mafungiro evanhu pahutungamiri kana kuti mapolls, VaTrump ndivo chete mutungamiri asina kukwanisa kusvika pakufarirwa nevanhu vanodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50%.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vari kutarisirwa kubvisa mimwe mitemo yakadzikwa naVaTrump vachishandisa masimba avo semutungamiri wenyika kusanganisira munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, mamiriro ekunze uye kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG