Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vodoma Dare Ravo reMakurukota Kunyangwe VaTrump Vachiri Vakatsika Madziro


VaJoseph Biden naVaDonald Trump.
VaJoseph Biden naVaDonald Trump.

Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weChipiri vari kutarisirwa kudoma dzimwe nhengo dzedare ravo remakurukota uye vari kutarisirwa kudoma VaAntony Blinken segurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

VaBlinken vaive chipangamazano chaVaBiden kwenguva yakareba apo vaive mutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama. Nhepfenyuro dzakawanda dzakazivisa kuti VaBlinken ndivo vaizodomwa naVaBiden.

Amai Linda Thomas-Greenfield avo vaive mumwe mukuru mukuru mubazi rezvekudyidzana neAfrica vari kutarisirwa kusarudzwa kuvamumiriri weAmerica kuUnited Nations.

VaJake Sullivan vari kutarisirwa kudomwa kuva chipangamazano chaVaBiden munyaya dzekudzivirirwa kwenyika.

Kunyangwe VaBiden avo vari kutarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo, mutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kuramba vakatsika madziro vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Asi VaTrump vari kuramba vachikundikana kumatare ayo arikuti havana humbowo.

VaTrump vari kurambawo kupa chikwata chaVaBiden mukana wekuti chitange kudyidzana nemapazi ehurumende mukugadzirira kutora masimba.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye avo vari kuTexas muno muAmerica, vanoti kunyangwe zviri pamutemo kuti VaTrump vawanikwe vachikwidza nyaya dzavo kumatare kana vasina kufadzwa nemafambisirwo esarudzo zvinozopa kuti America ishaye chiremera muhutongo hwejekerere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG