Vachangosarudzwa kutungamira nyika yeAmerica vachitarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya VaJoe Biden vanoti vachatora gwara rakasiyana zvachose munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika nemutungamiri wenyika wavakakunda musarudzo VaDonald Trump.
VaBiden vanoti havasi kuzotevedzera gwara raVaTrump rekuti pazvose zvinoitika, zvido zveAmerica ndizvo zvinofanira kuenda pamberi kana kuti America First.
VaBiden vanoti America inofanira kushanda ichidyidzana nenyika dziri mugungano reNATO nemamwe izvo zvainge zvaita zinyekenyeke negwara raVaTrump avo vakabvisa mamwe mauto eAmerica aishanda nemubatanidzwa uyu.
VaBiden vari kutarisirwawo kuti vanenge vasingadyidzane zvakanyanya nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin uye mutungamiri weNorth Korea VaKim Jong Un.
Mushure mehondo yemakore makumi maviri muIraq nemuAfghanistan, VaTrump vakatanga kudzikisa huwandu hwemauto aya izvo VaBiden vanoti vanotsigira asi vaviri ava vari kupesana pakuti VaTrump muSyria vakangoburitsa mauto ose kamwe chete.
VaTrump vachiri kuenderera havo mberi vachiramba kuti vakakundwa sarudzo naVaBiden kunyangwe dare repamusoro soro nezuro rakarasa chimwe chikumbiro chevatsigiri vaVaTrump chekuti risatambire zvakabuda musarudzo dzemu Pennsylvania.
Asi izvi hazvisi kukanganisa VaBiden kuumba dare ravo remakurukota iro riri kutambirwa zvakanaka nevamwe vanosanganisira chizvarwa cheZimbabwe Doctor Gadziro Gwekwerere avo vari kuFlorida muno muAmerica.
Facebook Forum