Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vosonesa Hembe dzeChikoro Idzo Dzodhura Zvakanyanya Muzvitoro


Apo vabereki vogadzirira kuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya, vazhinji vavo vari kuchema chema nemitengo yemaunifomu vachiti vave kutosonesa kune vemabhizimusi madiki vavati vanemitengo yakadzikira.

Ongororo yaitwa neStudio 7 mudhorobha reHarare inoratidza kuti kuzvitoro zvagara zvichiziikanwa zvinotengesa maunifomu, marokwe anopfekwa nevari kuprimary ari kutengwa nemari iri pakati pemadhora gumi nemapfumbamwe kusvika kumadhora makumi maviri nemashanu ekuAmerica. Vari kusonesa marokwe echikoro mamwewo vari kuitei varikushandisa mari iri pakati pemadhora masere kusvika pamadhora gumi zvichienderana nechikoro.

Majuzi arikutangirawo pamadhora gumi nemasere kusvika kumadhora makumi matatu asi varikunorukisa vega vachitiwo varikushandisa madhora gumi chete.

Mabhachi echikoro kana kuti mablazer ari kutengwa nemari inopfuura madhora makumi mana nemashanu asi varikusona vemabhizimusi madiki varikuda chidumbu chemari iyi.

Mumwe wevabereki anga achisonesa maunifomu ndiVaRickie Chinodakufa avo vati blazer remwana wechikoro muchitoro cheEnbee ranga richiita madhora makumi mashanu emari yekuAmerica asi vakwanisa kusonesa nemari iri pasi pemadhora makumi maviri nemashanu.

VaNoah Katenhe vatiwo mari yekutenga maunifomu evana vavo vaviri varikunotanga zvidzidzo zveprimary kuzvitoro zvavakapiwa nechikoro kuti ndiko kunotengeswa maunifomu yanga yakawandisa zvakanyanya izvo zvazoita kuti vaite zvekusonesa.

Amai Memory Sosera ndeumwe wevari kusona maunifomu. Vaudza Studio 7 kuti bhizimusi ravo rasimukira zvakanyanya kubva zvataurwa nehurumende kuti zvikoro zvave kuvhurwa.

Amai Violet Dzikiti varikutengesawo maunifomu ekusona aya vatsigirawo kuti bhizimusi ririkufamba.

Amai Dzikiti vatiwo vanotarisira kuti kunyangwe pachazobuda maresults evana vegrade 7 vachakwanisa kutengesawo mauniform akawanda.

Nyanzvi munezvehupfumi, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti veruzhinji vakaomerwa zvakanyanya nekugadzirira zvechikoro. VaManyanye vati dambudziko guru kushomeka kwemihoro iyo vati irikuramba ichidzika zvinhu zvakadai semaunifomu zvichikwira mutengo.

VaManyanya vati kunyangwe hazvo vamwe varikukwanisa kusonesa maunifomu pachinzvimbo chekutenga muzvitoro, pane vamwe varikutokundikana zvachose kana kutonosonesa kwacho.

Vatiwo mitengo yemaunifomu nemari dzinodiwa dzechikoro zvichakonzera kuti vamwe vana vakundikane kudzokera kuzvikoro. Hurumende yakazivisa kuti zvikoro zvichange zvichivhurwa musi wa7 Kukadzi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG