Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzira Hurumende Kutaura neVadzidzisi Kwete Kuvatyisidzira


Vadzidzisi avo vapinda muzuva repiri vachiramwa mabasa vanoti havasi kuzombobvuma kutyisidzirwa nebazi rezvedzidzo kuti vadzokere kuzvikoro vasina mari panguva iyo vabereki vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise gakava riripo nevashandi vayo.

Kuzvikoro zvizhinji zvehurumende, zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvapa kuti vadzidzi vadzoserwa kudzimba mangwanani eChipiri sezvo kwanga kusina varairidzi.

Mugwaro ravanyorera kuvakuru vezvikoro nevakuru kumatunhu, munyori mubazi rezvedzidzo yepasi Amai Tumisang Thabela vati vakuru vezvikoro vatore matanho kune avo vese vasiri kuenda kumabasa.

Amai Thabela vatiwo varairidzi vasiri kuenda kumabasa vachange vasinawo mihoro sezvo hurumende ichibhadhara chete avo vanenge vashanda.

Asi munyori muZimbabwe National Educators Union VaCharles Chinosengwa vati sevarairidzi vanga vachitarisira kuti hurumende iite hurukuro navo vachiti zvekutyityidzirwa izvi hazvina zvazvinobudisa.

Munyori musangano rinomiririra vakuru vezvikoro reZimbabwe National Union of School Heads , VaMunyaradzi Majoni vatiwo nhengo dzavo hadzisi kuzombotevedzera zvirikutaurwa nebazi rezvedzidzo.

Vamwe Vabereki vanotiwo pachinzvimbo chekutyisidzira varairidzi, dai hurumende yaita hurukuro navo.

VaWebster Maondera vanogara mumusha weGlen Norah vati vana vavo vaviri vadzoswa nhasi mangwanani. VaMaondera vanoti dai hurumende yakoshesa hupenyu hwevana yokurumidza kugadzirisa dambudziko iri.

Vachitaura neStudio 7, mumwe mubereki Amai Patricia Churu vatiwo vadzokera nemwana wavo kumba wegrade 1 mangwanani mushure mekuwana kusina varairidzi. Amai Churu vati sezvo denda reCovid-19 radzikira vange vachitarisirawo kuti vana vave vachidzidza.

Munyori wezvedzidzo mu Citizens Coalition for Change Amai Evelyn Muzungu Masaiti vati varairidzi vanofanirwa kuwana mari inoita kuti ivo vaendesewo vana kuzvikoro.

Amai Masaiti vatiwo hurumende ngaidzosere varairidzi kuti vatambire mihoro nemadhora ekuAmerica.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG