Vamwe vabereki muMasvingo vari kuchema chema kuti mitengo yemabhuku nezvimwe zvikwanisiro zvedzidzo zvakwira mitengo zvakanyanya zvapa kuti varemerwe sezvo zvikoro zvovhurwa nemusi weChipiri.
Vamwe vabereki vange vachiita chipatata pata kutengera vana vavo mabhuku, bhutsu, yunifomu nezvimwe zvikwanisiro asi vachinyunyuta zvikuru nenyaya yekudhura kwazviri kuita.
Vachitaura neStudio 7, Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti mabhuku evana ekunyorera awedzerwa mutengo zvakanyanyisa. Vanoti mabhuku aiita dhora rimwe chete ave kuita madhora mashanu mamwe achitosvika madhora gumi, uye chinyoreso chaiita masenzi makumi mashanu chave kuita dhora rimwe chete.
Vanoti nekuoma kwehupenyu vabereki vazhinji varikutadza kutengera vana vavo mabhuku akakwana nekuti vanenge vasina mari sezvo vanoshanda vasiri kuwedzerwa mari yemihoro.
Mumwewo mubereki VaHardlife Tangai, vanoti hurumende inofanira kuita kuti zvinhu zvisakwire zvakanyanya munyika kusanganisira zvinodiwa muzvikoro kuti vana vadzidze zvakanaka.
Vamwe vabereki vanoti vave kutoenda kundotenga mabhuku kunyika dzakapoteredza Zimbabwe dzakaita seSouth Africa uko kwakachipa vozotengeserawo vanhu pamusika mutema nemitengo iri pasi peye muzvitoro.
Amai Sabhina Chikwangwani vanoti kunyange vari kundotora mabhuku ku South Africa bhizimisi ravo harisi kufamba nekuti vanhu havana mari dzekutenga nenyaya yehurombo.
Vezvitoro zvinotengesa mabhuku evana vechikoro ,vataura ne Studio 7, asi varamba kudomwamazita vati vakakwidza mitengo nekuti mabhuku avo vari kuatenga kunze kwenyika ne mari yekunze sezvo munyika makambani anogadzira mabhuku ari mashoma.
Asi mumwe mubereki, VaNkulumani Mlambo vanoti vanhu vezvitoro vari kuvaomesera nekukwidza mitengo zvisina mwero.
Zvikwanisiro zvechikoro zviri kubatana nezvimwe zvinhu munyika mose zvirikukidzwa mitengo nguva ne nguva apo hurumende irikuti mitengo haifaniri kukwira.
Hupfumi hwenyika huri kuramba huchiwondomoka apo zvinhu zvakaita se mafuta ekufabisa dzimotokari, chikafu nezvimwe zvakawada zviri kushomeka.
Vabereki vanoti vana vazhinji vachavhura zvikoro vasina mabhuku akakwana, izvo zvichaita kuti dzidzo yavo isafambe zvakanaka. Vana vemabhodhingi vakawanda vatanga kuenda kuzvikoro nhasi kuti vanotanga kotoro yekutanga.
Facebook Forum