Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoita Hurukuro naVa Ian Khama ku Botswana


Vaviri ava vanonzi vakataurawo nenyaya yemari iyo botswana yakavimbisa zimbabwe pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa. Va Khama nehurumende yavo vanonzi vakaudza Va Tsvangirai kuti vane chido chekubatsira Zimbabwe, asi vanoda kuti mapato ose ari muhurumende azadzise chibvumirano che Global Political Agreement kuti vape rubatsiro rwavo

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakasangana nemutungamiri weBotswana, Va Khama Ian Seretse Khama, mukupera kwesvondo vakakurukura mamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.

Vaviri ava vanonzi vakataurawo nenyaya yemari iyo Botswana yakavimbisa Zimbabwe pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa. VaKhama nehurumende yavo vanonzi vakaudza VaTsvangirai kuti vane chido chekubatsira Zimbabwe, asi vanoda kuti mapato ose ari muhurumende atange azadzisa chibvumirano che Global Political Agreement kuitira kuti vape rubatsiro rwavo.

VaTsvangirai vakenda kuSouth Africa neChishanu vakasiya mutungamiri we Iran, Va Mahmoud Ahmedinejad, vachivhura zviri pamutemo Zimbabwe International Trade Fair, izvo zvinonzi hazvina kufadza mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVa Tsvangirai. VaMaridadi vati vatungamiri vaviri ava vakasangana nemakurukota avo zvekare akakurukura nyaya dzemafuta, magetsi nezvimwe zvakadaro.


VaJoy Mabenge vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari maneja mubazi re Democracy and Governance musangano re Institute for a Democratic Alternative for Zimbabwe. VaMabhenge vanoti nyika kana masangano ane mari dzavo, haasi kuzobatsira Zimbabwe, kusvikira nyaya dzezvematongerwo enyika yagadziriswa.

XS
SM
MD
LG