Accessibility links

Breaking News

Va Tsvangirai Vanoti Nhepfenyuro Dzakazvimirira Ngadzitangwe Munyika


Mutungamiriri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakaparura neChina gwaro rinotarisa mamiriro akaita nyaya dzenhepfenyuro munyika, vasati vasimuka kuenda ku Libya ne Morrocco, uko vari kutarisirwa kusangana nasachigaro weAfrican Union, uye vari mutungamiri we Libya, Va Muammar Gaddafi.

Vachitaura pakuparurwa kweongororo yakaitwa munyika, VaTsvangirai vakati vanoshuvira kuti mashandiro edzinhepfenyuro munyika, ashandurwe kuitira kuti vanhu vakazvimirira vega vakwanisewo kuvhura nhepfenyuro dzakasiyana siyana munyika.

Vakati semutungamiriri we MDC vakazvionera pamhuno sefodya mashandiro akaipa anoitwa ne ZBH, iyo inoremekedza bato rimwe chete, izvo vakati hazvifanirwe kunge zvichiitwa.

Va Tsvangirai vakati mitemo yekutepfenyura munyika inofanirawo kuvandudzwa zvikuru kuitira kuti ZBH isashanda senhepfenuro yebato rezvematongerwo enyika, asi kuti ive inobata munhu vese munyika zvakafanana. Pari zvino bazi rezvekuburitswa kwemashoko ndiro rinopa ZBH gwara rekutevedza. Anenge asingatevedzi gwara iri anoburitswa basa.

VaTsvangirai vakatiwo vatori venhau vanofanira kuita basa ravo vasina kwavakarerekera uye vasina vanhu vanovambunyikidza sezviri kuitika munyika pari zvino. Vakatiwo kumbunyikidza vatori venhau kunoreva kuti nyika inenge isisawane chokwadi kubva munhau dzinenge dzichiburwa munyika.

Nhengo yebhodhi reMISA-Zimbabwe, Muzvare Faith Zaba, vanotiwo vatori venhau munyika vari kushushikana zvikuru nekushaikwa kwechido muhurumende yemubatanidzwa chekugadzirisa nyaya dzenhau munyika.

Muzvare Zaba ndivo vaiva sachigaro wemusangano wekuparurwa kwegwaro iri naVa Tsvangirai.

XS
SM
MD
LG