Accessibility links

VaTobaiwa Mudede Vogadzirisa Gwaro reVavhoti

  • Sandra Nyaira

Registrar General VaTobaiwa Mudede vanoti vatanga kugadzirisa gwaro revavhoti kana kuti "voters roll" vachibvisa mazita evashakabvu.

Hofisi iyi inoti iri kuita izvi yakanangana nesarudzo dzinonzi dzingangoitwe gore rinouya. VaMudede vachitaura neZBC vanoti madzishe achabatsira zvakanyanya muhurongwa uhu.

Masangano akazvimirira ega nemapato ematongerwe enyika ava nenguva yakati kuti achiti gwaro revavhoti rinofanirwa kugadziriswa kusati kwaitwa sarudzo itsva munyika.

Mapato maviri eMDC anoti rinotungamirwa nemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai uye inotungamirwa naVaWelshman Ncube vanoti zviri kurongwa naVa Mudede ndezve mugotsi matsuro.

Muzvare Thabitha Khumalo veMDC yaVa Tsvangirai vati kugadziriswa kwe gwaro revavhoti kunofanira kuitwa nevemapato ose nevanhu vasarudzwa pamwe chete kwete madzishe.

Director veZimbabwe Election Support Network Amai Rindai Chipfunde-Vava vaudza Studio 7 kuti pamusoro pemadzishe nemasabhuku nyaya iyi inofanira kuitirwa pazvikoro panosivhoterwa nepazvitoro, misika nedzimwe nzvimbo.

XS
SM
MD
LG