Accessibility links

Breaking News

Va Tobaiwa Mudede Vanonzi Havafaniri Kuita Nyaya yesarudzo Munyika Vari Vega


Va Mtambanengwe vati ZEC inoda kuti Va Mudede vashande vari pasi pavo nekuti ndizvo zviri pamutemo vachiti vainga vatombotaura nyaya iyi naVa Mudede uye nyaya yekuti voters roll rigadziriswe

Sachigaro we Zimbabwe Electoral Commission Va Justice Simpson Mtambanengwe nezuro vakaudza vatori venhau ku Kadoma kuti Registrar General Va Tobaiwa Mudede nehofisi yavo vanofanira kubata basa resarudzo vari pasi pe ZEC kwete kuti vakamira vega vachiti izvi zvakasopera muna 2004.

Va Mtambanengwe vati ZEC inoda kuti Va Mudede vashande vari pasi pavo nekuti ndizvo zviri pamutemo vachiti vainga vatombotaura nyaya iyi naVa Mudede uye nyaya yekuti voters roll rigadziriswe.

Va Mtambanengwe vakatizve voters roll richagadzirwa nehofisi yaVa Mudede kasi ichitarisiswa nehofisi yavo.

Hatina kukwanisa kubata Va Mudede pane nyaya iyi asi vakamboudza vatori venhau gore rapera kuti hapana chavari kukanganisa mubasa ravo kana kugadzirisa voters roll.

Va Tawanda Chimhini ndivo director ve Election Resource Centre. Vanotsigira mashoko aVa Mtambanengwe. Va Chimhini vati izvi zvichabatsira kuti nyaya dzesarudzo dzigadziriswe munyika kasi vari kutya kuti ZANU-PF naVa Mudede vacho vachada kuramba izvi.

XS
SM
MD
LG