Accessibility links

Breaking News

Va Mugabe Voudza UN Kuti Vechidiki Vanofanira Kusimudzirwa


VaMugabe, avo vanga vachishoropodzwa nevamwe mu Zimbabwe kuti vangadai vasina kunopinda musangano uyu semunhu mukuru, vati zvakanaka kuti vechidiki, sezvo varivo vatungamiriri vamangwana, vapihwe gadziriro yakanaka nevatungamiriri varipo pari zvino

Mutungamiriri wehurumende Va Robert Mugabe nhasi vataura kumusangano wevechidiki ku United Nations ku New York uko vakurudzira nyika dzose pasi rose kuti dzibate vechidiki vachiri pasi, kuvadzidzisa kuzvibata, kuvasimudzira munyaya dzehupfumi nezvimwe zvakadaro.

VaMugabe, avo vanga vachishoropodzwa nevamwe mu Zimbabwe kuti vangadai vasina kunopinda musangano uyu semunhu mukuru, vati zvakanaka kuti vechidiki, sezvo varivo vatungamiriri vamangwana, vapihwe gadziriro yakanaka nevatungamiriri varipo pari zvino.

Taita hurukuro na Va Saviour Kasukuwere, gurukota revechidiki avo vari mu New York.

Mukuru we Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe Va Sydney Chisi kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Tabatazve director ve Zimbabwe Youth Council Va Livinston Dzikira. VaDzikira vati nyaya dzezvematongerwe enyika hadzifaniri kupinda mune nyaya dzevechidiki.


XS
SM
MD
LG