Accessibility links

Breaking News

Va Mugabe Vanoti Sangano reUnited Nations Ngarivandudzwe


Va Mugabe vakadzokorora mashoko avo avakambotaura pamisangano yapfuura ekuti United Nations General Assembly ne Security Council zvinofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti nyika dzakabudirira dzisashandisa UN Charter kuita zvido zvadzo chete

Mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, vakataura neChina kumusangano wevatungamiriri venyika dzepasi rose we 66th United Nations General Assembly vachishora nyika dzekumavirira dziri mu North Atlantic Treaty Organization, kana kuti NATO nekubhomba kwadzakaita pamwe nekubatsira kubvisa Va Muammor Gadhaffi pachigaro chemutungamiri we Libya.

Va Mugabe vakati nyika dziri mu NATO dziri kuita izvi nechinangwa chekuda mafuta, kwete kuti dzinofarira zvizvarwa zvemu Libya.

Va Mugabe vakadzokorora mashoko avo avakambotaura pamisangano yapfuura ekuti United Nations General Assembly ne Security Council zvinofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti nyika dzakabudirira dzisashandisa UN Charter kuita zvido zvadzo chete.

Va Mugabe vakati zvinoshamisa nekurwadza kuti Africa haina nhengo inogara zvachose mu Security Council, naizvozvo inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti nyika mbiri dzemu Africa, dziwanewo zvigaro zvisingabviswe mu Security Council.

Vakatizve havasi kufara nekuti nyika dzekumavirira dziri kuramba kubvisa zvirango zvadzakavatemera ivo Va Mugabe nevamwe vavo.

Va Mugabe vanoti zvirango izvi zvakaiswa senzira yekuvaranga nekutora ivhu kuvarimi kwavakaita mapurazi evachena.

Va Charles Mangongera vanoongorora zvematongerwe enyika. Vanoti Va Mugabe vari kutaura chokwadi kasi handivo fanofanira kunga vachitaura nyaya idzi nekuti maoko avo akasviba kare nekuti havaremekedzi kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG