Accessibility links

Breaking News

Va Mugabe Vanoti Ngochani Hadzina Nzvimbo Mubumbiro Idzva


President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010
President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanoti bumbiro remitemo harifanirwe kupa ngochani kodzero dzekuti dziroorane.

Vachitaura vari kwaMarange uko vakapinda musangano wemapositori ekwaJohane Marange, VaMugabe vakati vangatotsigira kuti varume varoore madzimai akawanda, pane kuti varume varoorane pachavo.

Mashoko aVaMugabe agumbura zvikuru nhengo dzesangano re Gays and Lesbians of Zimbabwe, Galz, idzo dziri kuti dzinoda kuti kodzero dzadzo dzichengetedzwe mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutauriri weGalz, uyo asina kuda kudomwa nezita rake sezvo ari kutyira hupenyu hwake, anoti nhengo dzavo dziri kuda kuti kodzero dzavo dzive mubumbiro idzva remitemo.

Mutauriri we Galz uyu anotiwo chavari kungoda kupihwa kodzero dzavo dzakakwana sezvo vamwe vanhu vari kupihwa kodzero dzizere.

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo, uye vari mudzidzisi webazi re Public Law School pa University of Zimbabwe, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti kunyange hazvo ngochani dzichida kuti dzichate zviri pamutemo, zvichanetsa muZimbabwe, sezvo veruzhinji vasiri kuzvitambira.

XS
SM
MD
LG