Accessibility links

Breaking News

Va Maguwu Voramba Vari Mumaoko eMapurisa


Va Bere vashora kuita kwemapurisa mukushungurudza VaMaguwu. Vashoropodzazve nhume ye Kimberly Process ku Zimbabwe Va Abbey Chikane mukupa hurumende magwaro ayo vakapihwa naVa Maguwu

Mutungamiri wesangano re Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vachakavharirwa nemapurisa mushure mekubviswa zvisiri pamutemo mutirongo mavainga vakachengetedzwa mukupera kwesvondo. VaMaguwu vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso svondo rapera.

Vari kupomerwa mhosva yekubudisa manyepo anosvibisa chimiro chenyika pamusoro pezviri kuitika pamangoda ekwa Marange. Va Tinoziva Bere rimwe remagweta aVa Maguwu.

Va Bere vashora kuita kwemapurisa ayo vati ari kushungurudza VaMaguwu. Vashoropodzazve nhumwa ye Kimberly Process ku Zimbabwe, Va Abbey Chikane, mukupa hurumende magwaro ayo vakapihwa naVa Maguwu anoratidza zviri kuitika kwaMarange.

Va Bere vati zviri pachena kuti VaChikane ne K-P vane chekuita nekusungwa kwaVa Maguwu. Vati zvakaitwa naVa Chikane zvinoita kuti masangano akazvimirira oga atye kupa humbowo kune vaongorori kana paine chinenge chaitika.


Zvichakadaro, sangano re Global Witness rinoti vakuru ve Zanu-PF nevechiuto ndivo vega vari kuwana hupfumi kubva pamangoda ekwa Marange kuburikidza nekushandisa chisimba mukuchera mangoda aya kwaChiadzwa, uye nekuatengesa nenzira dzine huori mukati.

Global Witness yataura izvi mugwaro rayo rayaburitsa neMuvhuro. Gwaro iri rinobuda apo vanhu vari kuzeya gwaro rakaburitswa naVaChikane, iro iri kukurudzira kuti dai Zimbabwe yapihwa mvumo ne KP yekutengesa mangoda ayo.

Kimberly Process iri kusangana svondo rinouya kutanga neMuvhuro kuIsrael. Va Dewa Mavhinga vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa. VaMavhinga vanoti KP inofanira kumbomisa Zimbabwe kuva nhengo yesangano iri kusvika zvose zvinoda kuiswa pachena munyaya yemangoda ekwaMarange zvava pachena.

XS
SM
MD
LG