Accessibility links

Breaking News

Va Kasukuwere Vanoti Hurumende Yatambira Hwaro Hwekupa Hupfumi Kuvatema


Va Kasukuwere varamba mashoko aitwa neAFP neReuters ekuti hurumende yaramba kutambira zvikumbiro zvemakambani emigodhi anodarika zana nemakumi manomwe nemashanu zvekuti voendesa sei hupfumi kuvatema sezviri kudiwa nehuremende

Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema Va Savior Kasukuwere vati hurumende yatambira zvikamu makumi maviri nezvitanhatu zvayapihwa nemakambani emigodhi asi yave kushanda zvakasima kuti iwane zvikamu makumi maviri nezvitanhatu zvasara kuti zvisvike 51 percent.

Va Kasukuwere varamba mashoko aitwa neAFP neReuters ekuti hurumende yaramba kutambira zvikumbiro zvemakambani emigodhi anodarika zana nemakumi manomwe nemashanu zvekuti voendesa sei hupfumi kuvatema sezviri kudiwa nehuremende.

Va Kasukuwere vanonzi vataura mashoko aya kumusangano wakarongwa nesangano reAffirmative Action Group muHarare.

Va Kasukuwere vati makambani achatadza kuita zviri kudiwa nehurumende achatorerwa midziyo yawo muna munagunyana yopihwa hurumende.

VaRejoice Ngwenya vanoongorora nyaya dzezvehupfumi. Vati havawoni makambani aya achidzingwa munyika nekuti atadza kupa hupfumi huri kudiwa nehurumende.

XS
SM
MD
LG