Accessibility links

Breaking News

Va John Nkomo Vokurudzira Zanu-PF Kuchinja Maitiro Ayo


Vachitaura nevatsigiri vebato ravo ku Masvingo South, Va Nkomo vakati zvekuti ZANU-PF irambe ichitaura zvekuti ndiyo yakarirwa nyika, zvava zvataisireva

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va John Nkomo, vanoti bato ravo re Zanu-PF rinofanira kuchinja maitiro aro kuitira kuti rirambe richiita zvinotambirwa neveruzhinji.

Vachitaura nevatsigiri vemusangano wavo kuMasvingo South, VaNkomo vakati zvekuti ZANU-PF irambe ichitaura zvekuti ndiyo yakarwira nyika, zvava zvataisireva. Vakati zvine basa panguva ino ndezvekugadzirisa hupfumi hwenyika. Vakati budiriro ndiyo iri pamwoyo pevanhu munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika,VaCharles Mangongera, vanoti vazhinji muZANU-PF vachiri kugara hupenyu hwekare vachirumbidza basa ravakaita rekuunza rusununguko, asi veruzhinji vachida kuona chikafu mundiro dzavo.

XS
SM
MD
LG