Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeKimberly Process VaChikane veKimberly Process Votarisirwa MuZimbabwe


Nhumwa yeKimberly Process kuZimbabwe VaAbbey Chikane vari kutarisirwa muHarare neChina kuti vape nyika mvumo yekutengesa mangoda kechipiri.

Mamwe mangoda ekwa Marange akatengeswa mwedzi wapera ku Harare International Airport.Studio 7 haina kukwanisa kubata Va Chikane kana gurukota rezvemigodhi VaObert Mpofu.

VaProsper Chitambara nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti kuuya kwa VaChikane kwakanaka kasi chiri kunetsa inyaya yekuti kucherwa nekutengeswa kwemangoda aya hakusi kuitwa zviri pachena.

Nyaya yekutengeswa kwemangoda aya yaimbenge yanetsa zvakanyanya vamwe vekunze vachiti mangoda aya ane ropa nekuda kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG